< 箴言 9 >

1 智慧建造房屋, 鑿成七根柱子,
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2 宰殺牲畜, 調和旨酒, 設擺筵席;
Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
3 打發使女出去, 自己在城中至高處呼叫,
Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
4 說:誰是愚蒙人,可以轉到這裏來! 又對那無知的人說:
Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
5 你們來,吃我的餅, 喝我調和的酒。
Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
6 你們愚蒙人,要捨棄愚蒙, 就得存活,並要走光明的道。
Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
7 指斥褻慢人的,必受辱罵; 責備惡人的,必被玷污。
“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8 不要責備褻慢人,恐怕他恨你; 要責備智慧人,他必愛你。
Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
9 教導智慧人,他就越發有智慧; 指示義人,他就增長學問。
Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
10 敬畏耶和華是智慧的開端; 認識至聖者便是聰明。
“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
11 你藉着我,日子必增多, 年歲也必加添。
Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
12 你若有智慧,是與自己有益; 你若褻慢,就必獨自擔當。
Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
13 愚昧的婦人喧嚷; 她是愚蒙,一無所知。
Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.
14 她坐在自己的家門口, 坐在城中高處的座位上,
Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
15 呼叫過路的, 就是直行其道的人,
achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
16 說:誰是愚蒙人,可以轉到這裏來! 又對那無知的人說:
Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!
17 偷來的水是甜的, 暗吃的餅是好的。
Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
18 人卻不知有陰魂在她那裏; 她的客在陰間的深處。 (Sheol h7585)
Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva. (Sheol h7585)

< 箴言 9 >