< 箴言 3 >
1 我兒,不要忘記我的法則; 你心要謹守我的誡命;
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
2 因為它必將長久的日子, 生命的年數與平安,加給你。
nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.
3 不可使慈愛、誠實離開你, 要繫在你頸項上,刻在你心版上。
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
6 在你一切所行的事上都要認定他, 他必指引你的路。
munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.
Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;
10 這樣,你的倉房必充滿有餘; 你的酒醡有新酒盈溢。
ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
11 我兒,你不可輕看耶和華的管教, 也不可厭煩他的責備;
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,
12 因為耶和華所愛的,他必責備, 正如父親責備所喜愛的兒子。
nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15 比珍珠寶貴; 你一切所喜愛的,都不足與比較。
Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18 她與持守她的作生命樹; 持定她的,俱各有福。
Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
21 我兒,要謹守真智慧和謀略, 不可使她離開你的眼目。
Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.
25 忽然來的驚恐,不要害怕; 惡人遭毀滅,也不要恐懼。
Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,
26 因為耶和華是你所倚靠的; 他必保守你的腳不陷入網羅。
nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
27 你手若有行善的力量,不可推辭, 就當向那應得的人施行。
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
28 你那裏若有現成的,不可對鄰舍說: 去吧,明天再來,我必給你。
Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.
Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.
Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.
Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
32 因為,乖僻人為耶和華所憎惡; 正直人為他所親密。
nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.