< 箴言 10 >
1 所羅門的箴言: 智慧之子使父親歡樂; 愚昧之子叫母親擔憂。
Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.
Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu.
3 耶和華不使義人受飢餓; 惡人所欲的,他必推開。
Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.
Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa.
5 夏天聚斂的,是智慧之子; 收割時沉睡的,是貽羞之子。
Anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.
Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.
8 心中智慧的,必受命令; 口裏愚妄的,必致傾倒。
Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.
9 行正直路的,步步安穩; 走彎曲道的,必致敗露。
Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.
10 以眼傳神的,使人憂患; 口裏愚妄的,必致傾倒。
Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.
Muromo womunhu akarurama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.
Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.
Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.
Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.
15 富戶的財物是他的堅城; 窮人的貧乏是他的敗壞。
Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.
Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.
17 謹守訓誨的,乃在生命的道上; 違棄責備的,便失迷了路。
Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.
18 隱藏怨恨的,有說謊的嘴; 口出讒謗的,是愚妄的人。
Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.
Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.
Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.
Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.
Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.
24 惡人所怕的,必臨到他; 義人所願的,必蒙應允。
Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.
25 暴風一過,惡人歸於無有; 義人的根基卻是永久。
Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.
Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.
27 敬畏耶和華使人日子加多; 但惡人的年歲必被減少。
Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.
Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.
29 耶和華的道是正直人的保障, 卻成了作孽人的敗壞。
Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.
Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.
Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.
Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.