< 腓立比書 4 >
1 我所親愛、所想念的弟兄們,你們就是我的喜樂,我的冠冕。我親愛的弟兄,你們應當靠主站立得穩。
Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.
3 我也求你這真實同負一軛的,幫助這兩個女人,因為她們在福音上曾與我一同勞苦;還有革利免,並其餘和我一同做工的,他們的名字都在生命冊上。
Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!
Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
6 應當一無掛慮,只要凡事藉着禱告、祈求,和感謝,將你們所要的告訴上帝。
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
7 上帝所賜、出人意外的平安必在基督耶穌裏保守你們的心懷意念。
Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8 弟兄們,我還有未盡的話:凡是真實的、可敬的、公義的、清潔的、可愛的、有美名的,若有甚麼德行,若有甚麼稱讚,這些事你們都要思念。
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
9 你們在我身上所學習的,所領受的,所聽見的,所看見的,這些事你們都要去行,賜平安的上帝就必與你們同在。
Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
10 我靠主大大地喜樂,因為你們思念我的心如今又發生;你們向來就思念我,只是沒得機會。
Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.
11 我並不是因缺乏說這話;我無論在甚麼景況都可以知足,這是我已經學會了。
Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
12 我知道怎樣處卑賤,也知道怎樣處豐富;或飽足,或飢餓;或有餘,或缺乏,隨事隨在,我都得了秘訣。
Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
15 腓立比人哪,你們也知道我初傳福音離了馬其頓的時候,論到授受的事,除了你們以外,並沒有別的教會供給我。
Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;
16 就是我在帖撒羅尼迦,你們也一次兩次地打發人供給我的需用。
nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.
17 我並不求甚麼餽送,所求的就是你們的果子漸漸增多,歸在你們的帳上。
Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.
18 但我樣樣都有,並且有餘。我已經充足,因我從以巴弗提受了你們的餽送,當作極美的香氣,為上帝所收納、所喜悅的祭物。
Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
19 我的上帝必照他榮耀的豐富,在基督耶穌裏,使你們一切所需用的都充足。
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
20 願榮耀歸給我們的父上帝,直到永永遠遠。阿們! (aiōn )
Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
21 請問在基督耶穌裏的各位聖徒安。在我這裏的眾弟兄都問你們安。
Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.
22 眾聖徒都問你們安。在凱撒家裏的人特特地問你們安。
Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.