< 腓利門書 1 >

1 為基督耶穌被囚的保羅,同兄弟提摩太寫信給我們所親愛的同工腓利門,
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
2 和妹子亞腓亞並與我們同當兵的亞基布,以及在你家的教會。
kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
3 願恩惠、平安從上帝我們的父和主耶穌基督歸與你們!
Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 我禱告的時候提到你,常為你感謝我的上帝;
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
5 因聽說你的愛心並你向主耶穌和眾聖徒的信心。
nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
6 願你與人所同有的信心顯出功效,使人知道你們各樣善事都是為基督做的。
Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
7 兄弟啊,我為你的愛心,大有快樂,大得安慰,因眾聖徒的心從你得了暢快。
Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
8 我雖然靠着基督能放膽吩咐你合宜的事,
Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
9 然而像我這有年紀的保羅,現在又是為基督耶穌被囚的,寧可憑着愛心求你,
asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
10 就是為我在捆鎖中所生的兒子阿尼西謀求你。
ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
11 他從前與你沒有益處,但如今與你我都有益處。
Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
12 我現在打發他親自回你那裏去;他是我心上的人。
Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
13 我本來有意將他留下,在我為福音所受的捆鎖中替你伺候我。
Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
14 但不知道你的意思,我就不願意這樣行,叫你的善行不是出於勉強,乃是出於甘心。
Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
15 他暫時離開你,或者是叫你永遠得着他, (aiōnios g166)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, (aiōnios g166)
16 不再是奴僕,乃是高過奴僕,是親愛的兄弟。在我實在是如此,何況在你呢!這也不拘是按肉體說,是按主說。
asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
17 你若以我為同伴,就收納他,如同收納我一樣。
Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
18 他若虧負你,或欠你甚麼,都歸在我的帳上;
Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
19 我必償還,這是我-保羅親筆寫的。我並不用對你說,連你自己也是虧欠於我。
Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
20 兄弟啊,望你使我在主裏因你得快樂,並望你使我的心在基督裏得暢快。
Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
21 我寫信給你,深信你必順服,知道你所要行的必過於我所說的。
Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
22 此外你還要給我預備住處;因為我盼望藉着你們的禱告,必蒙恩到你們那裏去。
Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
23 為基督耶穌與我同坐監的以巴弗問你安。
Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
24 與我同工的馬可、亞里達古、底馬、路加也都問你安。
uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
25 願我們主耶穌基督的恩常在你的心裏。阿們!
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.

< 腓利門書 1 >