< 彌迦書 1 >
1 當猶大王約坦、亞哈斯、希西家在位的時候,摩利沙人彌迦得耶和華的默示,論撒馬利亞和耶路撒冷。
Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.
2 萬民哪,你們都要聽! 地和其上所有的,也都要側耳而聽! 主耶和華從他的聖殿 要見證你們的不是。
Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene.
3 看哪,耶和華出了他的居所, 降臨步行地的高處。
Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4 眾山在他以下必消化, 諸谷必崩裂, 如蠟化在火中, 如水沖下山坡。
Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere.
5 這都因雅各的罪過, 以色列家的罪惡。 雅各的罪過在哪裏呢? 豈不是在撒馬利亞嗎? 猶大的邱壇在哪裏呢? 豈不是在耶路撒冷嗎?
Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here?
6 所以我必使撒馬利亞變為田野的亂堆, 又作為種葡萄之處; 也必將她的石頭倒在谷中, 露出根基來。
“Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.
7 她一切雕刻的偶像必被打碎; 她所得的財物必被火燒; 所有的偶像我必毀滅; 因為是從妓女雇價所聚來的, 後必歸為妓女的雇價。
Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
8 先知說:因此我必大聲哀號, 赤腳露體而行; 又要呼號如野狗, 哀鳴如鴕鳥。
Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi.
9 因為撒馬利亞的傷痕無法醫治, 延及猶大和耶路撒冷我民的城門。
Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko.
10 不要在迦特報告這事, 總不要哭泣; 我在伯‧亞弗拉滾於灰塵之中。
Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva.
11 沙斐的居民哪,你們要赤身蒙羞過去。 撒南的居民不敢出來。 伯‧以薛人的哀哭使你們無處可站。
Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
12 瑪律的居民心甚憂急,切望得好處, 因為災禍從耶和華那裏臨到耶路撒冷的城門。
Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha, kunyange pasuo reJerusarema.
13 拉吉的居民哪,要用快馬套車; 錫安民的罪由你而起; 以色列人的罪過在你那裏顯出。
Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri.
14 猶大啊,你要將禮物送給摩利設‧迦特。 亞革悉的眾族必用詭詐待以色列諸王。
Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri kumadzimambo aIsraeri.
15 瑪利沙的居民哪, 我必使那奪取你的來到你這裏; 以色列的尊貴人必到亞杜蘭。
Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu.
16 猶大啊,要為你所喜愛的兒女剪除你的頭髮, 使頭光禿,要大大地光禿,如同禿鷹, 因為他們都被擄去離開你。
Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.