< 約拿書 4 >

1 這事約拿大大不悅,且甚發怒,
Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa.
2 就禱告耶和華說:「耶和華啊,我在本國的時候豈不是這樣說嗎?我知道你是有恩典、有憐憫的上帝,不輕易發怒,有豐盛的慈愛,並且後悔不降所說的災,所以我急速逃往他施去。
Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa.
3 耶和華啊,現在求你取我的命吧!因為我死了比活着還好。」
Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu hwangu, nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”
4 耶和華說:「你這樣發怒合乎理嗎?」
Asi Jehovha akapindura akati, “Zvakanaka here kuti utsamwe?”
5 於是約拿出城,坐在城的東邊,在那裏為自己搭了一座棚,坐在棚的蔭下,要看看那城究竟如何。
Jona akabuda akaenda akandogara pasi kunze kweguta nechokumabvazuva. Ikoko akazvivakira dumba, akagara mumumvuri waro ndokumirira kuti aone zvaizoitika kuguta.
6 耶和華上帝安排一棵蓖麻,使其發生高過約拿,影兒遮蓋他的頭,救他脫離苦楚;約拿因這棵蓖麻大大喜樂。
Ipapo Jehovha Mwari akameresa muti womuzambiringa, akauita kuti ukure kumusoro kwaJona kuti uite mumvuri pamusoro pake, kuti shungu dzake dzidzikire, uye Jona akafara kwazvo nokuda kwomuzambiringa.
7 次日黎明,上帝卻安排一條蟲子咬這蓖麻,以致枯槁。
Asi chifumi chezuva rakatevera Mwari akatuma gonye rikadya muzambiringa uyu zvokuti wakasvava.
8 日頭出來的時候,上帝安排炎熱的東風,日頭曝曬約拿的頭,使他發昏,他就為自己求死,說:「我死了比活着還好!」
Zuva rakati richibuda, Mwari akatuma mhepo yokumabvazuva yaipisa kwazvo, uye zuva rikabaya pamusoro paJona zvokuti akaziya. Akademba kufa, uye akati, “Zvingava nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”
9 上帝對約拿說:「你因這棵蓖麻發怒合乎理嗎?」他說:「我發怒以至於死,都合乎理!」
Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here kuti utsamwe nokuda kwomuzambiringa uyu?” Iye akati, “Hongu, ndakatsamwa zvokuti ndife.”
10 耶和華說:「這蓖麻不是你栽種的,也不是你培養的;一夜發生,一夜乾死,你尚且愛惜;
Asi Jehovha akati, “Iwe wanga une hanya nomuzambiringa uyu, kunyange zvazvo usina kuuchengeta kana kuukudza. Wakabuda nousiku humwe uye ukaparara nousiku humwe.
11 何況這尼尼微大城,其中不能分辨左手右手的有十二萬多人,並有許多牲畜,我豈能不愛惜呢?」
Asi Ninevhe rine vanhu vanopfuura zviuru zana namakumi maviri avanhu vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi ndorupi kana rworuboshwe ndorupi, uye nemombe zhinjiwo. Handingavi nehanya here neguta iro guru?”

< 約拿書 4 >