< 約伯記 21 >
Ipapo Jobho akapindura akati:
“Teereresa mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
3 請寬容我,我又要說話; 說了以後,任憑你們嗤笑吧!
Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.
“Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
Nditarire ushamiswe; ufumbire muromo wako noruoko.
Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu, zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
9 他們的家宅平安無懼; 上帝的杖也不加在他們身上。
Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10 他們的公牛孳生而不斷絕; 母牛下犢而不掉胎。
Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11 他們打發小孩子出去,多如羊群; 他們的兒女踴躍跳舞。
Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.
Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.
13 他們度日諸事亨通, 轉眼下入陰間。 (Sheol )
Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. (Sheol )
14 他們對上帝說:離開我們吧! 我們不願曉得你的道。
Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
15 全能者是誰,我們何必事奉他呢? 求告他有甚麼益處呢?
Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’
16 看哪,他們亨通不在乎自己; 惡人所謀定的離我好遠。
Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.
17 惡人的燈何嘗熄滅? 患難何嘗臨到他們呢? 上帝何嘗發怒,向他們分散災禍呢?
“Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa? Kanganiko vachiwirwa nenjodzi, magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
18 他們何嘗像風前的碎稭, 如暴風颳去的糠詷呢?
Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?
19 你們說:上帝為惡人的兒女積蓄罪孽; 我說:不如本人受報,好使他親自知道。
Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’ Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
20 願他親眼看見自己敗亡, 親自飲全能者的忿怒。
Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
22 上帝既審判那在高位的, 誰能將知識教訓他呢?
“Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here, iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana,
muviri wake wakagwinya, mapfupa ake azere nomwongo.
Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.
“Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo.
28 你們說:霸者的房屋在哪裏? 惡人住過的帳棚在哪裏?
Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
29 你們豈沒有詢問過路的人嗎? 不知道他們所引的證據嗎?
Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
30 就是惡人在禍患的日子得存留, 在發怒的日子得逃脫。
dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
31 他所行的,有誰當面給他說明? 他所做的,有誰報應他呢?
Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.
33 他要以谷中的土塊為甘甜; 在他以先去的無數, 在他以後去的更多。
Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
34 你們對答的話中既都錯謬, 怎麼徒然安慰我呢?
“Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”