< 以賽亞書 61 >

1 主耶和華的靈在我身上; 因為耶和華用膏膏我, 叫我傳好信息給謙卑的人, 差遣我醫好傷心的人, 報告被擄的得釋放, 被囚的出監牢;
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
2 報告耶和華的恩年, 和我們上帝報仇的日子; 安慰一切悲哀的人,
kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,
3 賜華冠與錫安悲哀的人,代替灰塵; 喜樂油代替悲哀; 讚美衣代替憂傷之靈; 使他們稱為「公義樹」, 是耶和華所栽的,叫他得榮耀。
uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
4 他們必修造已久的荒場, 建立先前淒涼之處, 重修歷代荒涼之城。
Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.
5 那時,外人必起來牧放你們的羊群; 外邦人必作你們耕種田地的, 修理葡萄園的。
Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
6 你們倒要稱為耶和華的祭司; 人必稱你們為我們上帝的僕役。 你們必吃用列國的財物, 因得他們的榮耀自誇。
Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.
7 你們必得加倍的好處,代替所受的羞辱; 分中所得的喜樂,必代替所受的凌辱。 在境內必得加倍的產業; 永遠之樂必歸與你們。
Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
8 因為我-耶和華喜愛公平, 恨惡搶奪和罪孽; 我要憑誠實施行報應, 並要與我的百姓立永約。
“Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo.
9 他們的後裔必在列國中被人認識; 他們的子孫在眾民中也是如此。 凡看見他們的必認他們是耶和華賜福的後裔。
Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi uye navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”
10 我因耶和華大大歡喜; 我的心靠上帝快樂。 因他以拯救為衣給我穿上, 以公義為袍給我披上, 好像新郎戴上華冠, 又像新婦佩戴妝飾。
Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.
11 田地怎樣使百穀發芽, 園子怎樣使所種的發生, 主耶和華必照樣 使公義和讚美在萬民中發出。
Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose.

< 以賽亞書 61 >