< 以賽亞書 49 >

1 眾海島啊,當聽我言! 遠方的眾民哪,留心而聽! 自我出胎,耶和華就選召我; 自出母腹,他就提我的名。
Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.
2 他使我的口如快刀, 將我藏在他手蔭之下; 又使我成為磨亮的箭, 將我藏在他箭袋之中;
Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake.
3 對我說:你是我的僕人以色列; 我必因你得榮耀。
Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangu maari.”
4 我卻說:我勞碌是徒然; 我盡力是虛無虛空。 然而,我當得的理必在耶和華那裏; 我的賞賜必在我上帝那裏。
Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina. Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha, uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.”
5 耶和華從我出胎,造就我作他的僕人, 要使雅各歸向他, 使以色列到他那裏聚集。 原來耶和華看我為尊貴; 我的上帝也成為我的力量。
Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye anga ari simba rangu,
6 現在他說:你作我的僕人, 使雅各眾支派復興, 使以色列中得保全的歸回尚為小事, 我還要使你作外邦人的光, 叫你施行我的救恩,直到地極。
iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho uye achadzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chevedzimwe ndudzi, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”
7 救贖主-以色列的聖者耶和華 對那被人所藐視、本國所憎惡、 官長所虐待的如此說: 君王要看見就站起, 首領也要下拜; 都因信實的耶和華, 就是揀選你-以色列的聖者。
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa uye akasemwa norudzi, kumuranda wavatongi: “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”
8 耶和華如此說: 在悅納的時候,我應允了你; 在拯救的日子,我濟助了你。 我要保護你, 使你作眾民的中保; 復興遍地, 使人承受荒涼之地為業。
Zvanzi naJehovha: “Munguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti uvandudze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,
9 對那被捆綁的人說:出來吧! 對那在黑暗的人說:顯露吧! 他們在路上必得飲食, 在一切淨光的高處必有食物。
kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’ “Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.
10 不飢不渴, 炎熱和烈日必不傷害他們; 因為憐恤他們的必引導他們, 領他們到水泉旁邊。
Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.
11 我必使我的眾山成為大道; 我的大路也被修高。
Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.
12 看哪,這些從遠方來; 這些從北方、從西方來; 這些從秦國來。
Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”
13 諸天哪,應當歡呼! 大地啊,應當快樂! 眾山哪,應當發聲歌唱! 因為耶和華已經安慰他的百姓, 也要憐恤他困苦之民。
Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.
14 錫安說:耶和華離棄了我; 主忘記了我。
Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.”
15 婦人焉能忘記她吃奶的嬰孩, 不憐恤她所生的兒子? 即或有忘記的, 我卻不忘記你。
“Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi!
16 看哪,我將你銘刻在我掌上; 你的牆垣常在我眼前。
Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.
17 你的兒女必急速歸回; 毀壞你的,使你荒廢的,必都離你出去,
Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.
18 你舉目向四方觀看; 他們都聚集來到你這裏。 耶和華說:我指着我的永生起誓: 你必要以他們為妝飾佩戴, 以他們為華帶束腰,像新婦一樣。
Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri. Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga.
19 至於你荒廢淒涼之處, 並你被毀壞之地, 現今眾民居住必顯為太窄; 吞滅你的必離你遙遠。
“Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.
20 你必聽見喪子之後所生的兒女說: 這地方我居住太窄, 求你給我地方居住。
Vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’
21 那時你心裏必說:我既喪子獨居, 是被擄的,漂流在外。 誰給我生這些? 誰將這些養大呢? 撇下我一人獨居的時候, 這些在哪裏呢?
Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava? Ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana; ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa. Ndianiko akarera ava? Ndakasiyiwa ndiri ndoga, asi ava, vabvepiko?’”
22 主耶和華如此說: 我必向列國舉手, 向萬民豎立大旗; 他們必將你的眾子懷中抱來, 將你的眾女肩上扛來。
Zvanzi naIshe Jehovha, “Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kune veDzimwe Ndudzi, ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi; vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo, uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo.
23 列王必作你的養父; 王后必作你的乳母。 他們必將臉伏地,向你下拜, 並舔你腳上的塵土。 你便知道我是耶和華; 等候我的必不致羞愧。
Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”
24 勇士搶去的豈能奪回? 該擄掠的豈能解救嗎?
Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?
25 但耶和華如此說: 就是勇士所擄掠的,也可以奪回; 強暴人所搶的,也可以解救。 與你相爭的,我必與他相爭; 我要拯救你的兒女。
Asi zvanzi naJehovha, “Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa nevanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.
26 並且我必使那欺壓你的吃自己的肉, 也要以自己的血喝醉,好像喝甜酒一樣。 凡有血氣的必都知道我-耶和華是你的救主, 是你的救贖主,是雅各的大能者。
Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”

< 以賽亞書 49 >