< 以賽亞書 25 >
1 耶和華啊,你是我的上帝; 我要尊崇你,我要稱讚你的名。 因為你以忠信誠實行過奇妙的事, 成就你古時所定的。
Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu; ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu, nokuti nokutendeka kukuru makaita zvinhu zvinoshamisa, zvinhu zvamakaronga kare kare.
2 你使城變為亂堆, 使堅固城變為荒場, 使外邦人宮殿的城不再為城, 永遠不再建造。
Makaita kuti guta rive dutu ramarara, guta rakakomberedzwa rikava dongo, nhare yavatorwa haichazova gutazve; haichazovakwazve.
3 所以,剛強的民必榮耀你; 強暴之國的城必敬畏你。
Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai; maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.
4 因為當強暴人催逼人的時候, 如同暴風直吹牆壁, 你就作貧窮人的保障, 作困乏人急難中的保障, 作躲暴風之處, 作避炎熱的陰涼。
Manga muri utiziro hwavarombo, utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake, uye dumba panguva yemvura zhinji nomumvuri pakupisa kwezuva. Nokuti kufema kwavano utsinye kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
5 你要壓制外邦人的喧嘩, 好像乾燥地的熱氣下落; 禁止強暴人的凱歌, 好像熱氣被雲影消化。
uye kwakafanana nokupisa kwerenje. Munonyaradza bope ravatorwa; sokupisa kunotonhodzwa nomumvuri wegore, naizvozvo rwiyo rwavane utsinye rwanyaradzwa.
6 在這山上,萬軍之耶和華必為萬民用肥甘設擺筵席,用陳酒和滿髓的肥甘,並澄清的陳酒,設擺筵席。
Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka.
7 他又必在這山上除滅遮蓋萬民之物和遮蔽萬國蒙臉的帕子。
Pamusoro pegomo iri, achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose, mucheka unofukidza ndudzi dzose;
8 他已經吞滅死亡直到永遠。主耶和華必擦去各人臉上的眼淚,又除掉普天下他百姓的羞辱,因為這是耶和華說的。
iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazviso zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura.
9 到那日,人必說:「看哪,這是我們的上帝;我們素來等候他,他必拯救我們。這是耶和華,我們素來等候他,我們必因他的救恩歡喜快樂。」
Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”
10 耶和華的手必按在這山上;摩押人在所居之地必被踐踏,好像乾草被踐踏在糞池的水中。
Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri, asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake, samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze.
11 他必在其中伸開手,好像洑水的伸開手洑水一樣;但耶和華必使他的驕傲和他手所行的詭計一併敗落。
Vachatambanudza maoko avo mariri, somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire. Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo, kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo,
12 耶和華使你城上的堅固高臺傾倒,拆平,直到塵埃。
Achakoromora nhare yako yamasvingo akakwirira agoaputsira pasi; achaakoromorera pasi, muguruva chaimo.