< 以賽亞書 17 >
1 論大馬士革的默示: 看哪,大馬士革已被廢棄,不再為城, 必變作亂堆。
Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo.
2 亞羅珥的城邑已被撇棄, 必成為牧羊之處; 羊在那裏躺臥,無人驚嚇。
Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundutsa.
3 以法蓮不再有保障; 大馬士革不再有國權; 亞蘭所剩下的 必像以色列人的榮耀消滅一樣。 這是萬軍之耶和華說的。
Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
4 到那日,雅各的榮耀必至枵薄; 他肥胖的身體必漸瘦弱。
“Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera; mafuta omuviri wake achapera.
5 就必像收割的人收斂禾稼, 用手割取穗子, 又像人在利乏音谷拾取遺落的穗子。
Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira, uyo anokohwa zviyo noruoko rwake, sezvinoita murume anononga hura dzezviyo muMupata weRefaimi.
6 其間所剩下的不多,好像人打橄欖樹- 在儘上的枝梢上只剩兩三個果子; 在多果樹的旁枝上只剩四五個果子。 這是耶和華-以色列的上帝說的。
Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara, sezvinoita muorivhi kana wazunzwa, uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro, mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.
7 當那日,人必仰望造他們的主,眼目重看以色列的聖者。
Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo, vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.
8 他們必不仰望祭壇,就是自己手所築的,也不重看自己指頭所做的,無論是木偶是日像。
Havachazotarisi kuaritari, iro basa ramaoko avo, uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.
9 在那日,他們的堅固城必像樹林中和山頂上所撇棄的地方,就是從前在以色列人面前被人撇棄的。這樣,地就荒涼了。
Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.
10 因你忘記救你的上帝, 不記念你能力的磐石; 所以,你栽上佳美的樹秧子, 插上異樣的栽子。
Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako. Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa, uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,
11 栽種的日子,你周圍圈上籬笆, 又到早晨使你所種的開花; 但在愁苦極其傷痛的日子, 所收割的都飛去了。
kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure, ugoita kuti ive namaruva, asi mukohwo uchava sapasina pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.
12 唉!多民鬨嚷,好像海浪匉訇; 列邦奔騰,好像猛水滔滔;
Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji, dzinotinhira sokutinhira kwegungwa! Haiwa, kuomba kwamarudzi anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!
13 列邦奔騰,好像多水滔滔; 但上帝斥責他們,他們就遠遠逃避, 又被追趕,如同山上的風前糠, 又如暴風前的旋風土。
Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura, paanovatuka vachatizira kure, vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo, kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.
14 到晚上有驚嚇,未到早晨他們就沒有了。這是擄掠我們之人所得的分,是搶奪我們之人的報應。
Munguva yamadekwana, pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo! Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira, nomubayiro wavanotipamba.