< 創世記 9 >
1 上帝賜福給挪亞和他的兒子,對他們說:「你們要生養眾多,遍滿了地。
Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika.
2 凡地上的走獸和空中的飛鳥都必驚恐,懼怕你們,連地上一切的昆蟲並海裏一切的魚都交付你們的手。
Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu.
3 凡活着的動物都可以作你們的食物。這一切我都賜給你們,如同菜蔬一樣。
Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.
“Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi.
5 流你們血、害你們命的,無論是獸是人,我必討他的罪,就是向各人的弟兄也是如此。
Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.
6 凡流人血的,他的血也必被人所流,因為上帝造人是照自己的形像造的。
“Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.
Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”
Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo,
“Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera,
10 並與你們這裏的一切活物-就是飛鳥、牲畜、走獸,凡從方舟裏出來的活物-立約。
uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika.
11 我與你們立約,凡有血肉的,不再被洪水滅絕,也不再有洪水毀壞地了。」
Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”
12 上帝說:「我與你們並你們這裏的各樣活物所立的永約是有記號的。
Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya:
13 我把虹放在雲彩中,這就可作我與地立約的記號了。
Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore,
15 我便記念我與你們和各樣有血肉的活物所立的約,水就再不氾濫、毀壞一切有血肉的物了。
ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose.
16 虹必現在雲彩中,我看見,就要記念我與地上各樣有血肉的活物所立的永約。」
Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
17 上帝對挪亞說:「這就是我與地上一切有血肉之物立約的記號了。」
Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”
18 出方舟挪亞的兒子就是閃、含、雅弗。含是迦南的父親。
Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.)
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.
Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa.
Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.
22 迦南的父親含看見他父親赤身,就到外邊告訴他兩個弟兄。
Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze.
23 於是閃和雅弗拿件衣服搭在肩上,倒退着進去,給他父親蓋上;他們背着臉就看不見父親的赤身。
Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.
Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku,
25 就說: 迦南當受咒詛, 必給他弟兄作奴僕的奴僕;
akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26 又說: 耶和華-閃的上帝是應當稱頌的! 願迦南作閃的奴僕。
Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu.
27 願上帝使雅弗擴張, 使他住在閃的帳棚裏; 又願迦南作他的奴僕。
Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.”
Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu.
Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.