< 以西結書 41 >

1 他帶我到殿那裏量牆柱:這面厚六肘,那面厚六肘,寬窄與會幕相同。
Ipapo murume uya akandiuyisa kunzvimbo tsvene yokunze akayera mbiru, upamhi hwembiru hwaisvika makubhiti matanhatu rumwe norumwe.
2 門口寬十肘。門兩旁,這邊五肘,那邊五肘。他量殿長四十肘,寬二十肘。
Mukova wacho wakanga una makubhiti gumi paupamhi, uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo akanga ana makubhiti mashanu paupamhi. Akayerawo nzvimbo tsvene yokunze; yakanga yakareba makubhiti makumi mana uye makubhiti makumi maviri paupamhi.
3 他到內殿量牆柱,各厚二肘。門口寬六肘,門兩旁各寬七肘。
Ipapo akapinda munzvimbo tsvene yomukati ndokuyera mbiru dzomukova; imwe neimwe yakanga ina makubhiti maviri paupamhi. Mukova wacho wakanga una makubhiti matanhatu paupamhi uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo aiva makubhiti manomwe paupamhi.
4 他量內殿,長二十肘,寬二十肘。他對我說:「這是至聖所。」
Akayera urefu hwenzvimbo tsvene yomukati; yakanga ina makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri zvichiyambukira kumagumo okunze kwenzvimbo tsvene. Akati kwandiri, “Iyi ndiyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.”
5 他又量殿牆,厚六肘;圍着殿有旁屋,各寬四肘。
Ipapo akayera madziro etemberi; akanga ari makubhiti matanhatu paukobvu, uye rutivi rumwe norumwe rwekamuri rwaipoteredza temberi rwakanga runo upamhi hwaisvika makubhiti mana.
6 旁屋有三層,層疊而上,每層排列三十間。旁屋的梁木擱在殿牆坎上,免得插入殿牆。
Makamuri omumativi akanga ane miturikidzwa mitatu, mumwe pamusoro pomumwe, makamuri makumi matatu pamuturikidzwa mumwe nomumwe. Makanga muna masherufu matetetete aipoteredza madziro etemberi aibatsira kutsigira makamuri omumativi, saka zvitsigiro zvakanga zvisina kuvakirwa mumadziro etemberi.
7 這圍殿的旁屋越高越寬;因旁屋圍殿懸疊而上,所以越上越寬,從下一層,由中一層,到上一層。
Makamuri omumativi akanga akapoteredza temberi akanga akapamhama zvokuti riri pasi raipfuurwa neriri pamusoro zvichingodaro. Chidziro chaipoteredza temberi chakavakwa chichikwira nokukwirira, zvokuti kamuri dzaipamhamha munhu paakwirira kumusoro. Zvikwiriso zvaibva pasi zvichisvika kumuturikidzwa wapamusoro.
8 我又見圍着殿有高月臺。旁屋的根基,高足一竿,就是六大肘。
Ndakaona kuti temberi yakanga ina pakakwirira kumativi ayo ose, panova ndipo paiva nheyo yamakamuri omumativi. Yaiva nourefu hwakaenzana netsvimbo yokuyera yakareba makubhiti matanhatu.
9 旁屋的外牆厚五肘。旁屋之外還有餘地。
Madziro okunze emakamuri okumativi aiva noukobvu hwaisvika makubhiti mashanu. Nzvimbo yakashama yakanga iri pakati pamakamuri okumativi etemberi.
10 在旁屋與對面的房屋中間有空地,寬二十肘。
Uye makamuri avaprista aisvika makubhiti makumi maviri paupamhi achipoteredza temberi kumativi ose.
11 旁屋的門都向餘地:一門向北,一門向南。周圍的餘地寬五肘。
Kwakanga kune mikova yaipinda kumakamuri okumativi uchibva nokunzvimbo yakashama, mumwe nechokumusoro, mumwe nechenyasi; uye hwaro hwaibatanidza nzvimbo yakasara hwaisvika makubhiti mashanu paupamhi kumativi ose.
12 在西面空地之後有房子,寬七十肘,長九十肘,牆四圍厚五肘。
Imba yakatarisana noruvazhe rwetemberi nechokumavirira yaisvika makubhiti makumi manomwe paupamhi. Madziro eimba akanga ana makubhiti mashanu paukobvu kumativi ose, uye urefu hwawo hwaisvika makubhiti makumi mapfumbamwe.
13 這樣,他量殿,長一百肘,又量空地和那房子並牆,共長一百肘。
Ipapo akayera temberi; yakanga ina makubhiti zana pakureba, uye ruvazhe rwetemberi neimba namadziro ayo yaivawo namakubhiti zana pakureba.
14 殿的前面和兩旁的空地,寬一百肘。
Upamhi hworuvazhe rwetemberi nechokumabvazuva, zvichibatana nemberi kwetemberi, hwaisvika makubhiti zana.
15 他量空地後面的那房子,並兩旁的樓廊,共長一百肘。
Ipapo akayera urefu hweimba yakatarisana noruvazhe necheshure kwetemberi, pamwe chete nedzimba dzokuratidzira dzacho kurutivi rumwe norumwe; zvakaita makubhiti zana. Nzvimbo tsvene yokunze, nenzvimbo tsvene yomukati uye biravira rakatarisana noruvazhe,
16 內殿、院廊、門檻、嚴緊的窗櫺,並對着門檻的三層樓廊,從地到窗櫺(窗櫺都有蔽子),
pamwe chetewo napazvikumbaridzo uye napamawindo maduku napadzimba dzokuratidzira zvose zviri zvitatu, zvinhu zvose zvaiva seri nechikumbaridzowo, zvakanga zvakafukidzwa namapuranga. Uriri, madziro kusvika pamawindo, namawindo zvakanga zvakafukidzwa.
17 直到門以上,就是到內殿和外殿內外四圍牆壁,都按尺寸用木板遮蔽。
Panzvimbo yakanga iri pamusoro nechokunze kwomukova wokupinda munzvimbo tsvene napamadziro, nechiyero chakafanana pakati pazvo zvakapoteredza nzvimbo tsvene yomukati neyokunze,
18 牆上雕刻基路伯和棕樹。每二基路伯中間有一棵棕樹,每基路伯有二臉。
paiva namakerubhi akavezwa nemiti yemichindwe. Pakati pamakerubhi paiva nemiti yemichindwe. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri:
19 這邊有人臉向着棕樹,那邊有獅子臉向着棕樹,殿內周圍都是如此。
chiso chomunhu chakatarisana nomuti womuchindwe kuno rumwe rutivi uye kuno rumwe rutivi chiso cheshumba chakananganawo nomuti womuchindwe uri kuno rumwe rutivi. Zvakanga zvakavezwa pamativi ose etemberi.
20 從地至門以上,都有基路伯和棕樹。殿牆就是這樣。
Kubva pauriri kusvikira kunzvimbo yaiva pamusoro pomukova, makerubhi nemiti yemichindwe zvakanga zvakavezwa pamadziro enzvimbo tsvene yokunze.
21 殿的門柱是方的。至聖所的前面,形狀和殿的形狀一樣。
Nzvimbo tsvene yokunze yakanga ine magwatidziro omukova ana mativi mana akaenzana, uye duku racho ndiro rakanga riri mberi kweNzvimbo Tsvene-tsvene.
22 壇是木頭做的,高三肘,長二肘。壇角和壇面,並四旁,都是木頭做的。他對我說:「這是耶和華面前的桌子。」
Pakanga pane aritari yakavezwa namatanda yaisvika makubhiti matatu pakukwirira kwayo uye yakaenzana urefu noupamhi makubhiti maviri; makona ayo, pasi payo namativi ayo, akanga ari matanda. Murume uya akati kwandiri, “Iyi ndiyo tafura iri pamberi paJehovha.”
23 殿和至聖所的門各有兩扇。
Nzvimbo tsvene yokunze neNzvimbo Tsvene-tsvene dzakanga dzina makonhi maviri maviri dzose.
24 每扇分兩扇,這兩扇是摺疊的。這邊門分兩扇,那邊門也分兩扇。
Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa aitenderera maviri pamukova mumwe nomumwe.
25 殿的門扇上雕刻基路伯和棕樹,與刻在牆上的一般。在外頭廊前有木檻。
Uye pamakonhi enzvimbo tsvene yokunze pakanga pane makerubhi akavezwa nemiti yemichindwe yakaita seiya yakavezerwa pamadziro, uye pakanga pane chikumbaridzo chakavezwa pamberi pebiravira.
26 廊這邊那邊都有嚴緊的窗櫺和棕樹;殿的旁屋和檻就是這樣。
Parutivi rwamadziro ebiravira pakanga pane mawindo maduku ane miti yemichindwe yakavezwa pamativi ose. Makamuri okumativi etemberi naiwowo aiva nezvikumbaridzo.

< 以西結書 41 >