< 阿摩司書 6 >
1 國為列國之首,人最著名, 且為以色列家所歸向, 在錫安和撒馬利亞山安逸無慮的,有禍了!
Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri!
2 你們要過到甲尼察看, 從那裏往大城哈馬去, 又下到非利士人的迦特, 看那些國比你們的國還強嗎? 境界比你們的境界還寬嗎?
Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?
Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.
4 你們躺臥在象牙床上,舒身在榻上, 吃群中的羊羔,棚裏的牛犢;
Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa.
5 彈琴鼓瑟唱消閑的歌曲, 為自己製造樂器,如同大衛所造的;
Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa.
6 以大碗喝酒,用上等的油抹身, 卻不為約瑟的苦難擔憂。
Munonwa waini yakawanda, muchizora mafuta akaisvonaka, asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa.
7 所以這些人必在被擄的人中首先被擄; 舒身的人荒宴之樂必消滅了。
Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa; mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera.
8 主耶和華-萬軍之上帝指着自己起誓說: 我憎惡雅各的榮華,厭棄他的宮殿; 因此,我必將城和其中所有的都交付敵人。
Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, uye ndinovenga nhare dzake; ndichaisa guta kuvavengi nezvose zviri mariri.”
Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa.
10 死人的伯叔,就是燒他屍首的,要將這屍首搬到房外,問房屋內間的人說:「你那裏還有人沒有?」他必說:「沒有」;又說:「不要作聲,因為我們不可提耶和華的名。」
Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”
11 看哪,耶和華出令, 大房就被攻破, 小屋就被打裂。
Nokuti Jehovha akarayira, uye achaparadza imba huru igoita murwi, nemba duku igoti mwarara.
12 馬豈能在崖石上奔跑? 人豈能在那裏用牛耕種呢? 你們卻使公平變為苦膽, 使公義的果子變為茵蔯。
Ko, mabhiza angamhanya paruware here? Ko, pane angaparima ipapo nemombe here? Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura, nechibereko chokururama mukachiita gavakava,
13 你們喜愛虛浮的事,自誇說: 我們不是憑自己的力量取了角嗎?
imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti, “Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?”
14 耶和華、萬軍之上帝說: 以色列家啊,我必興起一國攻擊你們; 他們必欺壓你們, 從哈馬口直到亞拉巴的河。
Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”