< 撒母耳記下 20 >
1 在那裏恰巧有一個匪徒,名叫示巴,是便雅憫人比基利的兒子。他吹角,說:「我們與大衛無分,與耶西的兒子無涉。以色列人哪,你們各回各家去吧!」
Zvino nhubu yainzi Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini, aivapowo. Akaridza hwamanda akadanidzira achiti, “Isu hatina mugove muna Dhavhidhi, hatina chikamu mumwanakomana waJese! Munhu wose ngaaende kutende rake, imi vaIsraeri!”
2 於是以色列人都離開大衛,跟隨比基利的兒子示巴。但猶大人從約旦河直到耶路撒冷,都緊緊跟隨他們的王。
Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema.
3 大衛王來到耶路撒冷,進了宮殿,就把從前留下看守宮殿的十個妃嬪禁閉在冷宮,養活她們,不與她們親近。她們如同寡婦被禁,直到死的日子。
Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake gumi vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakachengetwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.
4 王對亞瑪撒說:「你要在三日之內將猶大人招聚了來,你也回到這裏來。」
Ipapo mambo akati kuna Amasa, “Dana varume veJudha vauye kwandiri pakati pamazuva matatu, uye newe uve pano.”
5 亞瑪撒就去招聚猶大人,卻耽延過了王所限的日期。
Asi Amasa akati aenda kundodana Judha, akatora nguva yakareba kupfuura yaakanga atarirwa namambo.
6 大衛對亞比篩說:「現在恐怕比基利的兒子示巴加害於我們比押沙龍更甚。你要帶領你主的僕人追趕他,免得他得了堅固城,躲避我們。」
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbhusaromu. Tora varanda vatenzi wako umutevere, zvimwe angawana maguta akakomberedzwa uye akatipunyuka.”
7 約押的人和基利提人、比利提人,並所有的勇士,都跟着亞比篩,從耶路撒冷出去追趕比基利的兒子示巴。
Saka vanhu vaJoabhu, vaKereti, vaPereti nemhare dzose vakabuda vachitungamirirwa naAbhishai. Vakafamba vachibva kuJerusarema vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
8 他們到了基遍的大磐石那裏,亞瑪撒來迎接他們。那時約押穿着戰衣,腰束佩刀的帶子,刀在鞘內;約押前行,刀從鞘內掉出來。
Vakati vari padombo guru muGibheoni, Amasa akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanhire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo.
9 約押左手拾起刀來,對亞瑪撒說:「我兄弟,你好啊!」就用右手抓住亞瑪撒的鬍子,要與他親嘴。
Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, mununʼuna wangu?” Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode.
10 亞瑪撒沒有防備約押手裏所拿的刀;約押用刀刺入他的肚腹,他的腸子流在地上,沒有再刺他,就死了。 約押和他兄弟亞比篩往前追趕比基利的兒子示巴。
Amasa akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, Amasa akafa. Ipapo Joabhu nomununʼuna wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
11 有約押的一個少年人站在亞瑪撒屍身旁邊,對眾人說:「誰喜悅約押,誰歸順大衛,就當跟隨約押去。」
Mumwe wavanhu vaJoabhu akamira parutivi rwaAmasa akati, “Ani naani anoda Joabhu, uye ani naani ari waDhavhidhi, ngaatevere Joabhu!”
12 亞瑪撒在道路上滾在自己的血裏。那人見眾民經過都站住,就把亞瑪撒的屍身從路上挪到田間,用衣服遮蓋。
Amasa akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana Amasa aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango, akakanda nguo pamusoro pake.
13 屍身從路上挪移之後,眾民就都跟隨約押去追趕比基利的兒子示巴。
Shure kwokunge Amasa abviswa mumugwagwa, varume vose vakapfuurira mberi naJoabhu vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.
14 他走遍以色列各支派,直到伯‧瑪迦的亞比拉,並比利人的全地;那些地方的人也都聚集跟隨他。
Shebha akapfuura nomumarudzi ose aIsraeri kusvikira kuAbheri Bheti Maaka uye nomudunhu rose ravaBheri, uye vakaungana pamwe chete vakamutevera.
15 約押和跟隨的人到了伯‧瑪迦的亞比拉,圍困示巴,就對着城築壘;跟隨約押的眾民用錘撞城,要使城塌陷。
Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo,
16 有一個聰明婦人從城上呼叫說:「聽啊,聽啊,請約押近前來,我好與他說話。」
mukadzi akangwara akadanidzira ari muguta akati, “Inzwai! Inzwai! Taurirai Joabhu kuti auye pano kuti ndigotaura naye.”
17 約押就近前來,婦人問他說:「你是約押不是?」他說:「我是。」婦人說:「求你聽婢女的話。」約押說:「我聽。」
Akaenda kwaari, iye akamubvunza akati, “Ndiwe Joabhu here?” Akapindura akati, “Ndini.” Mukadzi akati, “Teererai zvinoreva murandakadzi wenyu.” Iye akati, “Ndakateerera.”
18 婦人說:「古時有話說,當先在亞比拉求問,然後事就定妥。
Mukadzi akaenderera achiti, “Kare kare vaisimboti, ‘Tora mhinduro yako paAbheri,’ uye zvaipera ipapo.
19 我們這城的人在以色列人中是和平、忠厚的。你為何要毀壞以色列中的大城,吞滅耶和華的產業呢?」
Isu tiri vorugare navakatendeka muIsraeri. Uri kuedza kuparadza guta rinova ndiro mai muIsraeri. Seiko uchida kumedza nhaka yaJehovha?”
Joabhu akati, “Ngazvive kure neni! Ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza!
21 乃因以法蓮山地的一個人-比基利的兒子示巴-舉手攻擊大衛王,你們若將他一人交出來,我便離城而去。」婦人對約押說:「那人的首級必從城牆上丟給你。」
Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo.”
22 婦人就憑她的智慧去勸眾人。他們便割下比基利的兒子示巴的首級,丟給約押。約押吹角,眾人就離城而散,各歸各家去了。約押回耶路撒冷,到王那裏。
Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema.
23 約押作以色列全軍的元帥;耶何耶大的兒子比拿雅統轄基利提人和比利提人;
Joabhu akanga ari mukuru wehondo yose yeIsraeri; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari mukuru wavaKereti navaPareti;
24 亞多蘭掌管服苦的人;亞希律的兒子約沙法作史官;
Adhoniramu akanga ari mutariri wavashandi vechibharo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi akanga ari munyori wenhoroondo;
Shevha akanga ari munyori; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
uye Ira muJairi aiva muprista waDhavhidhi.