< 歷代志下 15 >
Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.
2 他出來迎接亞撒,對他說:「亞撒和猶大、便雅憫眾人哪,要聽我說:你們若順從耶和華,耶和華必與你們同在;你們若尋求他,就必尋見;你們若離棄他,他必離棄你們。
Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai.
3 以色列人不信真神,沒有訓誨的祭司,也沒有律法,已經好久了;
Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.
4 但他們在急難的時候歸向耶和華-以色列的上帝,尋求他,他就被他們尋見。
Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo.
Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.
6 這國攻擊那國,這城攻擊那城,互相破壞,因為上帝用各樣災難擾亂他們。
Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana.
7 現在你們要剛強,不要手軟,因你們所行的必得賞賜。」
Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”
8 亞撒聽見這話和俄德兒子先知亞撒利雅的預言,就壯起膽來,在猶大、便雅憫全地,並以法蓮山地所奪的各城,將可憎之物盡都除掉,又在耶和華殿的廊前重新修築耶和華的壇;
Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.
9 又招聚猶大、便雅憫的眾人,並他們中間寄居的以法蓮人、瑪拿西人、西緬人。有許多以色列人歸降亞撒,因見耶和華-他的上帝與他同在。
Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.
Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa.
11 當日他們從所取的擄物中,將牛七百隻、羊七千隻獻給耶和華。
Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo.
12 他們就立約,要盡心盡性地尋求耶和華-他們列祖的上帝。
Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose.
13 凡不尋求耶和華-以色列上帝的,無論大小、男女,必被治死。
Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.
Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga.
15 猶大眾人為所起的誓歡喜;因他們是盡心起誓,盡意尋求耶和華,耶和華就被他們尋見,且賜他們四境平安。
Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.
16 亞撒王貶了他祖母瑪迦太后的位,因她造了可憎的偶像亞舍拉。亞撒砍下她的偶像,搗得粉碎,燒在汲淪溪邊。
Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi.
17 只是邱壇還沒有從以色列中廢去,然而亞撒的心一生誠實。
Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose.
18 亞撒將他父所分別為聖、與自己所分別為聖的金銀和器皿都奉到上帝的殿裏。
Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.
Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.