< 歷代志上 10 >
1 非利士人與以色列人爭戰,以色列人在非利士人面前逃跑,在基利波山有被殺仆倒的。
Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa.
2 非利士人緊追掃羅和他兒子們,就殺了掃羅的兒子約拿單、亞比拿達、麥基舒亞。
VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza.
4 就吩咐拿他兵器的人說:「你拔出刀來,將我刺死,免得那些未受割禮的人來凌辱我。」但拿兵器的人甚懼怕,不肯刺他;
Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
5 掃羅就自己伏在刀上死了。拿兵器的人見掃羅已死,也伏在刀上死了。
Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa.
6 這樣,掃羅和他三個兒子,並他的全家都一同死亡。
Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete.
7 住平原的以色列眾人見以色列軍兵逃跑,掃羅和他兒子都死了,也就棄城逃跑,非利士人便來住在其中。
Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
8 次日,非利士人來剝那被殺之人的衣服,看見掃羅和他兒子仆倒在基利波山,
Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa.
9 就剝了他的軍裝,割下他的首級,打發人到 非利士地的四境報信與他們的偶像和眾民,
Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo.
10 又將掃羅的軍裝放在他們神的廟裏,將他的首級釘在大袞廟中。
Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.
11 基列‧雅比人聽見非利士人向掃羅所行的一切事,
Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
12 他們中間所有的勇士就起身前去,將掃羅和他兒子的屍身送到雅比,將他們的屍骨葬在雅比的橡樹下,就禁食七日。
mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
13 這樣,掃羅死了。因為他干犯耶和華,沒有遵守耶和華的命;又因他求問交鬼的婦人,
Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.
14 沒有求問耶和華,所以耶和華使他被殺,把國歸於耶西的兒子大衛。
Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.