< 撒迦利亚书 10 >
1 当春雨的时候, 你们要向发闪电的耶和华求雨。 他必为众人降下甘霖, 使田园生长菜蔬。
Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. Anonayisa mvura kuvanhu, uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe.
2 因为,家神所言的是虚空; 卜士所见的是虚假; 做梦者所说的是假梦。 他们白白地安慰人, 所以众人如羊流离, 因无牧人就受苦。
Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.
3 我的怒气向牧人发作; 我必惩罚公山羊; 因我—万军之耶和华 眷顾自己的羊群,就是犹大家, 必使他们如骏马在阵上。
“Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya namakwai ake, imba yaJudha, uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.
4 房角石、钉子、争战的弓, 和一切掌权的都从他而出。
Muna Judha muchabva ibwe rapakona, kubva maari mbambo yetende, kubva maari uta hwehondo, kubva maari vatungamiri vose.
5 他们必如勇士在阵上 将仇敌践踏在街上的泥土中。 他们必争战,因为耶和华与他们同在; 骑马的也必羞愧。
Pamwe chete vachava savarume voumhare vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. Nokuti Jehovha anavo, vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.
6 我要坚固犹大家,拯救约瑟家, 要领他们归回。 我要怜恤他们; 他们必像未曾弃绝的一样, 都因我是耶和华—他们的 神, 我必应允他们的祷告。
“Ndichasimbisa imba yaJudha uye ndichaponesa imba yaJosefa. Ndichavadzosa nokuti ndinovanzwira tsitsi. Vachava savanhu vandakanga ndisina kuramba, nokuti ndini Jehovha Mwari wavo uye ndichavapindura.
7 以法莲人必如勇士; 他们心中畅快如同喝酒; 他们的儿女必看见而快活; 他们的心必因耶和华喜乐。
VaEfuremu vachava semhare, uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini. Vana vavo vachazviona uye vachapembera; Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.
8 我要发嘶声,聚集他们, 因我已经救赎他们。 他们的人数必加增, 如从前加增一样。
Ndichaninira kwavari ndigovaunganidza. Zvirokwazvo ndichavadzikinura, vachava vakawanda sakare.
9 我虽然播散他们在列国中, 他们必在远方记念我。 他们与儿女都必存活,且得归回。
Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi, kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure. Ivo navana vavo vachararama, uye vachadzoka.
10 我必再领他们出埃及地, 招聚他们出亚述, 领他们到基列和黎巴嫩; 这地尚且不够他们居住。
Ndichavauyisa kubva kuIjipiti uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria. Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni, uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana.
11 耶和华必经过苦海,击打海浪, 使尼罗河的深处都枯干。 亚述的骄傲必致卑微; 埃及的权柄必然灭没。
Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; mafungu egungwa achaderedzwa uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa. Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.
12 我必使他们倚靠我,得以坚固; 一举一动必奉我的名。 这是耶和华说的。
Ndichavasimbisa muna Jehovha uye muzita rake vachafamba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.