< 诗篇 47 >

1 可拉后裔的诗,交与伶长。 万民哪,你们都要拍掌! 要用夸胜的声音向 神呼喊!
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
2 因为耶和华至高者是可畏的; 他是治理全地的大君王。
Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!
3 他叫万民服在我们以下, 又叫列邦服在我们脚下。
Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.
4 他为我们选择产业, 就是他所爱之雅各的荣耀。 (细拉)
Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera
5 神上升,有喊声相送; 耶和华上升,有角声相送。
Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.
6 你们要向 神歌颂,歌颂! 向我们王歌颂,歌颂!
Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
7 因为 神是全地的王; 你们要用悟性歌颂。
Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.
8 神作王治理万国; 神坐在他的圣宝座上。
Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.
9 列邦的君王聚集要作亚伯拉罕之 神的民。 因为世界的盾牌是属 神的; 他为至高!
Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

< 诗篇 47 >