< 诗篇 40 >

1 大卫的诗,交与伶长。 我曾耐性等候耶和华; 他垂听我的呼求。
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.
2 他从祸坑里, 从淤泥中,把我拉上来, 使我的脚立在磐石上, 使我脚步稳当。
Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.
3 他使我口唱新歌, 就是赞美我们 神的话。 许多人必看见而惧怕, 并要倚靠耶和华。
Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.
4 那倚靠耶和华、 不理会狂傲和偏向虚假之辈的, 这人便为有福!
Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha ruvimbo rwake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.
5 耶和华—我的 神啊,你所行的奇事, 并你向我们所怀的意念甚多,不能向你陈明; 若要陈明,其事不可胜数。
Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.
6 祭物和礼物,你不喜悦; 你已经开通我的耳朵。 燔祭和赎罪祭非你所要。
Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.
7 那时我说:看哪,我来了! 我的事在经卷上已经记载了。
Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.
8 我的 神啊,我乐意照你的旨意行; 你的律法在我心里。
Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”
9 我在大会中宣传公义的佳音; 我必不止住我的嘴唇。 耶和华啊,这是你所知道的。
Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha.
10 我未曾把你的公义藏在心里; 我已陈明你的信实和你的救恩; 我在大会中未曾隐瞒你的慈爱和诚实。
Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.
11 耶和华啊,求你不要向我止住你的慈悲! 愿你的慈爱和诚实常常保佑我!
Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.
12 因有无数的祸患围困我, 我的罪孽追上了我,使我不能昂首; 这罪孽比我的头发还多, 我就心寒胆战。
Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.
13 耶和华啊,求你开恩搭救我! 耶和华啊,求你速速帮助我!
Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.
14 愿那些寻找我、要灭我命的,一同抱愧蒙羞! 愿那些喜悦我受害的,退后受辱!
Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe.
15 愿那些对我说阿哈、阿哈的, 因羞愧而败亡!
Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.
16 愿一切寻求你的,因你高兴欢喜! 愿那些喜爱你救恩的,常说:当尊耶和华为大!
Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!”
17 但我是困苦穷乏的,主仍顾念我; 你是帮助我的,搭救我的。 神啊,求你不要耽延!
Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

< 诗篇 40 >