< 诗篇 116 >
Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.
Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.
3 死亡的绳索缠绕我; 阴间的痛苦抓住我; 我遭遇患难愁苦。 (Sheol )
Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. (Sheol )
4 那时,我便求告耶和华的名,说: 耶和华啊,求你救我的灵魂!
Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”
5 耶和华有恩惠,有公义; 我们的 神以怜悯为怀。
Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.
6 耶和华保护愚人; 我落到卑微的地步,他救了我。
Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.
7 我的心哪!你要仍归安乐, 因为耶和华用厚恩待你。
Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8 主啊,你救我的命免了死亡, 救我的眼免了流泪, 救我的脚免了跌倒。
Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.
Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.
Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.
16 耶和华啊,我真是你的仆人; 我是你的仆人,是你婢女的儿子。 你已经解开我的绑索。
Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu.
17 我要以感谢为祭献给你, 又要求告耶和华的名。
Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha.
18 我要在他众民面前, 在耶和华殿的院内, 在耶路撒冷当中, 向耶和华还我的愿。 你们要赞美耶和华!
Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose,
pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Rumbidzai Jehovha.