< 民数记 24 >
1 巴兰见耶和华喜欢赐福与以色列,就不像前两次去求法术,却面向旷野。
Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.
2 巴兰举目,看见以色列人照着支派居住。 神的灵就临到他身上,
Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake
3 他便题起诗歌说: 比珥的儿子巴兰说, 眼目闭住的人说,
uye akataura chirevo chake achiti: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,
4 得听 神的言语, 得见全能者的异象, 眼目睁开而仆倒的人说:
chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.
5 雅各啊,你的帐棚何等华美! 以色列啊,你的帐幕何其华丽!
“Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!
6 如接连的山谷, 如河旁的园子, 如耶和华所栽的沉香树, 如水边的香柏木。
“Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, s semisidhari pedyo nemvura.
7 水要从他的桶里流出; 种子要撒在多水之处。 他的王必超过亚甲; 他的国必要振兴。
Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda. “Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.
8 神领他出埃及; 他似乎有野牛之力。 他要吞吃敌国, 折断他们的骨头, 用箭射透他们。
“Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. Vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.
9 他蹲如公狮, 卧如母狮,谁敢惹他? 凡给你祝福的,愿他蒙福; 凡咒诅你的,愿他受咒诅。
Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa? “Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”
10 巴勒向巴兰生气,就拍起手来,对巴兰说:“我召你来为我咒诅仇敌,不料,你这三次竟为他们祝福。
Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.
11 如今你快回本地去吧!我想使你得大尊荣,耶和华却阻止你不得尊荣。”
Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”
12 巴兰对巴勒说:“我岂不是对你所差遣到我那里的使者说:
Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,
13 ‘巴勒就是将他满屋的金银给我,我也不得越过耶和华的命,凭自己的心意行好行歹。耶和华说什么,我就要说什么’?”
‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’?
14 “现在我要回本族去。你来,我告诉你这民日后要怎样待你的民。”
Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”
15 他就题起诗歌说: 比珥的儿子巴兰说: 眼目闭住的人说,
Ipapo akataura chirevo chake akati: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye anoona zvakajeka,
16 得听 神的言语, 明白至高者的意旨, 看见全能者的异象, 眼目睁开而仆倒的人说:
chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusoro-soro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:
17 我看他却不在现时; 我望他却不在近日。 有星要出于雅各,有杖要兴于以色列, 必打破摩押的四角,毁坏扰乱之子。
“Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.
18 他必得以东为基业, 又得仇敌之地西珥为产业; 以色列必行事勇敢。
Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.
19 有一位出于雅各的,必掌大权; 他要除灭城中的余民。
Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”
20 巴兰观看亚玛力,就题起诗歌说: 亚玛力原为诸国之首, 但他终必沉沦。
Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti: “Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”
21 巴兰观看基尼人,就题起诗歌说: 你的住处本是坚固; 你的窝巢做在岩穴中。
Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti: “Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;
asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”
23 巴兰又题起诗歌说: 哀哉! 神行这事,谁能得活?
Ipapo akataura chirevo chake akati: “Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?
24 必有人乘船从基提界而来, 苦害亚述,苦害希伯; 他也必至沉沦。
Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”
Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.