< 约伯记 33 >

1 约伯啊,请听我的话, 留心听我一切的言语。
“Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.
2 我现在开口, 用舌发言。
Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.
3 我的言语要发明心中所存的正直; 我所知道的,我嘴唇要诚实地说出。
Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.
4 神的灵造我; 全能者的气使我得生。
Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.
5 你若回答我, 就站起来,在我面前陈明。
Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugomisidzana neni.
6 我在 神面前与你一样, 也是用土造成。
Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.
7 我不用威严惊吓你, 也不用势力重压你。
Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa, uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera.
8 你所说的,我听见了, 也听见你的言语,说:
“Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo,
9 我是清洁无过的,我是无辜的; 在我里面也没有罪孽。
‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva.
10 神找机会攻击我, 以我为仇敌,
Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake.
11 把我的脚上了木狗, 窥察我一切的道路。
Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’
12 我要回答你说:你这话无理, 因 神比世人更大。
“Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.
13 你为何与他争论呢? 因他的事都不对人解说?
Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu?
14 神说一次、两次, 世人却不理会。
Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni.
15 人躺在床上沉睡的时候, 神就用梦和夜间的异象,
Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo,
16 开通他们的耳朵, 将当受的教训印在他们心上,
angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,
17 好叫人不从自己的谋算, 不行骄傲的事,
kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
18 拦阻人不陷于坑里, 不死在刀下。
kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19 人在床上被惩治, 骨头中不住地疼痛,
Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,
20 以致他的口厌弃食物, 心厌恶美味。
saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
21 他的肉消瘦,不得再见; 先前不见的骨头都凸出来。
Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.
22 他的灵魂临近深坑; 他的生命近于灭命的。
Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.
23 一千天使中, 若有一个作传话的与 神同在, 指示人所当行的事,
“Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,
24 神就给他开恩, 说:救赎他免得下坑; 我已经得了赎价。
kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’
25 他的肉要比孩童的肉更嫩; 他就返老还童。
ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.
26 他祷告 神, 神就喜悦他, 使他欢呼朝见 神的面; 神又看他为义。
Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
27 他在人前歌唱说: 我犯了罪,颠倒是非, 这竟与我无益。
Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.
28 神救赎我的灵魂免入深坑; 我的生命也必见光。
Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’
29 神两次、三次向人行这一切的事,
“Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,
30 为要从深坑救回人的灵魂, 使他被光照耀,与活人一样。
kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.
31 约伯啊,你当侧耳听我的话, 不要作声,等我讲说。
“Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.
32 你若有话说,就可以回答我; 你只管说,因我愿以你为是。
Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.
33 若不然,你就听我说; 你不要作声,我便将智慧教训你。
Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”

< 约伯记 33 >