< 何西阿书 6 >

1 来吧,我们归向耶和华! 他撕裂我们,也必医治; 他打伤我们,也必缠裹。
“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu.
2 过两天他必使我们苏醒, 第三天他必使我们兴起, 我们就在他面前得以存活。
Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza; pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake.
3 我们务要认识耶和华, 竭力追求认识他。 他出现确如晨光; 他必临到我们像甘雨, 像滋润田地的春雨。
Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
4 主说:以法莲哪,我可向你怎样行呢? 犹大啊,我可向你怎样做呢? 因为你们的良善如同早晨的云雾, 又如速散的甘露。
“Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko newe, Judha? Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani, sedova ramangwanani rinopera.
5 因此,我借先知砍伐他们, 以我口中的话杀戮他们; 我施行的审判如光发出。
Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu, ndakakuurayai namashoko omuromo wangu, kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.
6 我喜爱良善,不喜爱祭祀; 喜爱认识 神,胜于燔祭。
Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7 他们却如亚当背约, 在境内向我行事诡诈。
SaAdhamu, vakaputsa sungano, vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.
8 基列是作孽之人的城, 被血沾染。
Gireadhi iguta ravarume vakaipa, rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.
9 强盗成群,怎样埋伏杀人, 祭司结党,也照样在示剑的路上杀戮, 行了邪恶。
Samakororo anovandira munhu, ndizvo zvinoita boka ravaprista. Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu, vachipara mhosva dzinonyadzisa.
10 在以色列家,我见了可憎的事; 在以法莲那里有淫行, 以色列被玷污。
Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo muimba yaIsraeri. Imomo Efuremu anoita ufeve uye Israeri anosvibiswa.
11 犹大啊,我使被掳之民归回的时候, 必有为你所命定的收场。
“Nokwauriwo iwe, Judha, kukohwa kwatarwa. “Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.

< 何西阿书 6 >