< 以斯拉记 2 >
1 巴比伦王尼布甲尼撒从前掳到巴比伦之犹大省的人,现在他们的子孙从被掳到之地回耶路撒冷和犹大,各归本城。
Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
2 他们是同着所罗巴伯、耶书亚、尼希米、西莱雅、利来雅、末底改、必珊、米斯拔、比革瓦伊、利宏、巴拿回来的。
vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
3 以色列人民的数目记在下面:巴录的子孙二千一百七十二名;
zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
6 巴哈·摩押的后裔,就是耶书亚和约押的子孙二千八百一十二名;
zvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri navaviri;
zvaAdhonikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;
zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;
zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;
zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;
zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;
zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;
zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;
varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;
veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
25 基列·耶琳人、基非拉人、比录人共七百四十三名;
veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;
veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;
veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;
veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
zvaHarimu zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
40 利未人:何达威雅的后裔,就是耶书亚和甲篾的子孙七十四名。
VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
42 守门的:沙龙的子孙、亚特的子孙、达们的子孙、亚谷的子孙、哈底大的子孙、朔拜的子孙,共一百三十九名。
Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43 尼提宁:西哈的子孙、哈苏巴的子孙、答巴俄的子孙、
Vashandi vomutemberi:
zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
zvaNezia uye nezvaHatifa.
55 所罗门仆人的后裔,就是琐太的子孙、琐斐列的子孙、比路大的子孙、
Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
57 示法提雅的子孙、哈替的子孙、玻黑列·哈斯巴音的子孙、亚米的子孙。
zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
59 从特·米拉、特·哈萨、基绿、押但、音麦上来的,不能指明他们的宗族谱系是以色列人不是;
Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzibaba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
60 他们是第来雅的子孙、多比雅的子孙、尼哥大的子孙,共六百五十二名。
Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
61 祭司中,哈巴雅的子孙、哈哥斯的子孙、巴西莱的子孙;因为他们的先祖娶了基列人巴西莱的女儿为妻,所以起名叫巴西莱。
Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).
62 这三家的人在族谱之中寻查自己的谱系,却寻不着,因此算为不洁,不准供祭司的职任。
Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana, nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.
63 省长对他们说:“不可吃至圣的物,直到有用乌陵和土明决疑的祭司兴起来。”
Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
65 此外,还有他们的仆婢七千三百三十七名,又有歌唱的男女二百名。
tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vane varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.
Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, manyurusi mazana maviri namakumi mana namashanu,
ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
68 有些族长到了耶路撒冷耶和华殿的地方,便为 神的殿甘心献上礼物,要重新建造。
Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.
69 他们量力捐入工程库的金子六万一千达利克,银子五千弥拿,并祭司的礼服一百件。
Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe egoridhe, nemamina zviuru zvishanu esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
70 于是祭司、利未人、民中的一些人、歌唱的、守门的、尼提宁,并以色列众人,各住在自己的城里。
Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.