< 以西结书 24 >

1 第九年十月初十日,耶和华的话又临到我说:
Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “人子啊,今日正是巴比伦王就近耶路撒冷的日子,你要将这日记下,
“Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.
3 要向这悖逆之家设比喻说,主耶和华如此说: 将锅放在火上, 放好了,就倒水在其中;
Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi.
4 将肉块,就是一切肥美的肉块、腿, 和肩都聚在其中, 拿美好的骨头把锅装满;
Uise mairi nhindi dzenyama, nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko. Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;
5 取羊群中最好的, 将柴堆在锅下, 使锅开滚, 好把骨头煮在其中。
utore gwai rakasanangurwa. Uise huni pasi payo kuitira mapfupa; uivirise ugobika mapfupa imomo.
6 “主耶和华如此说:祸哉!这流人血的城,就是长锈的锅。其中的锈未曾除掉,须要将肉块从其中一一取出来,不必为它拈阄。
“‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: “‘Rine nhamo guta rinoteura ropa, nehadyana ine ngura, mukati mayo, ine ngura isingabvi. Budisai nhindi imwe neimwe musingakandi mijenya nokuda kwadzo.
7 城中所流的血倒在净光的磐石上,不倒在地上,用土掩盖。
“‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva.
8 这城中所流的血倒在净光的磐石上,不得掩盖,乃是出于我,为要发忿怒施行报应。
Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu kuti rirege kufukidzwa.
9 所以主耶和华如此说:祸哉!这流人血的城,我也必大堆火柴,
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: “‘Rine nhamo guta rinoteura ropa! Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.
10 添上木柴,使火着旺,将肉煮烂,把汤熬浓,使骨头烤焦;
Saka tutira huni ugobatidza moto. Ubike nyama zvakanaka, uchisanganisa nezvinonhuhwira; uye urege mapfupa atsve.
11 把锅倒空坐在炭火上,使锅烧热,使铜烧红,熔化其中的污秽,除净其上的锈。
Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yanʼaima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose.
12 这锅劳碌疲乏,所长的大锈仍未除掉;这锈就是用火也不能除掉。
Zvakunda kushingaira kwangu kwose; tsvina yayo zhinji haina kubviswa, kunyange nomoto chaiwo.
13 在你污秽中有淫行,我洁净你,你却不洁净。你的污秽再不能洁净,直等我向你发的忿怒止息。
“‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.
14 我—耶和华说过的必定成就,必照话而行,必不返回,必不顾惜,也不后悔。人必照你的举动行为审判你。这是主耶和华说的。”
“‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
15 耶和华的话又临到我说:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
16 “人子啊,我要将你眼目所喜爱的忽然取去,你却不可悲哀哭泣,也不可流泪,
“Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi.
17 只可叹息,不可出声,不可办理丧事;头上仍勒裹头巾,脚上仍穿鞋,不可蒙着嘴唇,也不可吃吊丧的食物。”
Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”
18 于是我将这事早晨告诉百姓,晚上我的妻就死了。次日早晨我便遵命而行。
Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.
19 百姓问我说:“你这样行与我们有什么关系,你不告诉我们吗?”
Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”
20 我回答他们:“耶和华的话临到我说:
Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
21 ‘你告诉以色列家,主耶和华如此说:我必使我的圣所,就是你们势力所夸耀、眼里所喜爱、心中所爱惜的被亵渎,并且你们所遗留的儿女必倒在刀下。
Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.
22 那时,你们必行我仆人所行的,不蒙着嘴唇,也不吃吊丧的食物。
Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema.
23 你们仍要头上勒裹头巾,脚上穿鞋;不可悲哀哭泣。你们必因自己的罪孽相对叹息,渐渐消灭。
Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu.
24 以西结必这样为你们作预兆;凡他所行的,你们也必照样行。那事来到,你们就知道我是主耶和华。’
Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’
25 “人子啊,我除掉他们所倚靠、所欢喜的荣耀,并眼中所喜爱、心里所重看的儿女。
“Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo,
26 那日逃脱的人岂不来到你这里,使你耳闻这事吗?
pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika.
27 你必向逃脱的人开口说话,不再哑口。你必这样为他们作预兆,他们就知道我是耶和华。”
Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

< 以西结书 24 >