< 申命记 34 >
1 摩西从摩押平原登尼波山,上了那与耶利哥相对的毗斯迦山顶。耶和华把基列全地直到但,
Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani.
2 拿弗他利全地,以法莲、玛拿西的地,犹大全地直到西海,
Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira,
3 南地和棕树城耶利哥的平原,直到琐珥,都指给他看。
Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari.
4 耶和华对他说:“这就是我向亚伯拉罕、以撒、雅各起誓应许之地,说:‘我必将这地赐给你的后裔。’现在我使你眼睛看见了,你却不得过到那里去。”
Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”
5 于是,耶和华的仆人摩西死在摩押地,正如耶和华所说的。
Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
6 耶和华将他埋葬在摩押地、伯·毗珥对面的谷中,只是到今日没有人知道他的坟墓。
Akamuviga muMoabhu, mumupata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.
7 摩西死的时候年一百二十岁;眼目没有昏花,精神没有衰败。
Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.
8 以色列人在摩押平原为摩西哀哭了三十日,为摩西居丧哀哭的日子就满了。
VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.
9 嫩的儿子约书亚;因为摩西曾按手在他头上,就被智慧的灵充满,以色列人便听从他,照着耶和华吩咐摩西的行了。
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
10 以后以色列中再没有兴起先知像摩西的。他是耶和华面对面所认识的。
Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso,
11 耶和华打发他在埃及地向法老和他的一切臣仆,并他的全地,行各样神迹奇事,
uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose.
12 又在以色列众人眼前显大能的手,行一切大而可畏的事。
Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.