< 但以理书 10 >

1 波斯王塞鲁士第三年,有事显给称为伯提沙撒的但以理。这事是真的,是指着大争战;但以理通达这事,明白这异象。
Mugore rechitatu ramambo Sirasi wePezhia, Dhanieri (iye ainzi Bheriteshazari) akazarurirwa. Shoko racho rakanga riri rechokwadi uye raireva kurwa kukuru. Akanzwisisa shoko iri nechiratidzo.
2 当那时,我—但以理悲伤了三个七日。
Panguva iyo, ini, Dhanieri ndakachema kwevhiki nhatu.
3 美味我没有吃,酒肉没有入我的口,也没有用油抹我的身,直到满了三个七日。
Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzapera.
4 正月二十四日,我在底格里斯大河边,
Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, pandaiva ndimire pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Tigirisi,
5 举目观看,见有一人身穿细麻衣,腰束乌法精金带。
ndakatarisa kumusoro uye hapo pamberi pangu pakanga pane murume akanga akapfeka nguo dzakaisvonaka, nebhanhire regoridhe rakanatswa muchiuno chake.
6 他身体如水苍玉,面貌如闪电,眼目如火把,手和脚如光明的铜,说话的声音如大众的声音。
Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakanga rakafanana nokutinhira wavazhinji.
7 这异象惟有我—但以理一人看见,同着我的人没有看见。他们却大大战兢,逃跑隐藏,
Ini, Dhanieri, ndini ndoga chete ndakaona chiratidzo; varume vakanga vaneni havana kuchiona, asi kutyisa kwakadai kwakavavhundutsa zvokuti vakatiza vakandovanda.
8 只剩下我一人。我见了这大异象便浑身无力,面貌失色,毫无气力。
Saka ndakasiyiwa ndiri ndoga, ndakatarira kuchiratidzo ichi chikuru; ndakanga ndisisina simba, chiso changu chakashanduka chikatsvukuruka uye ndakanga ndapererwa.
9 我却听见他说话的声音,一听见就面伏在地沉睡了。
Ipapo ndakamunzwa achitaura, uye pandakanga ndakateerera kwaari, ndakabatwa nehope huru, ndikatsikitsira pasi.
10 忽然,有一手按在我身上,使我用膝和手掌支持微起。
Ruoko rwakandibata rukandiita kuti ndidedere pamaoko angu namabvi.
11 他对我说:“大蒙眷爱的但以理啊,要明白我与你所说的话,只管站起来,因为我现在奉差遣来到你这里。”他对我说这话,我便战战兢兢地立起来。
Iye akati kwandiri, “Dhanieri, iwe unokudzwa zvikuru, chichengeta zvikuru mashoko andava kutaura kwauri, uye usimuke, nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Zvino paakareva izvi kwandiri, ndakasimuka ndichidedera.
12 他就说:“但以理啊,不要惧怕!因为从你第一日专心求明白将来的事,又在你 神面前刻苦己心,你的言语已蒙应允;我是因你的言语而来。
Ipapo akaenderera mberi akati, “Usatya, Dhanieri. Kubva pazuva rawakafunga kuwana kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwika, uye ini ndauya nemhinduro.
13 但波斯国的魔君拦阻我二十一日。忽然有大君中的一位米迦勒来帮助我,我就停留在波斯诸王那里。
Asi muchinda woumambo hwavaPezhia akandidzivisa mazuva makumi maviri nerimwe apfuura. Ipapo Mikaeri, mumwe mukuru wamachinda, akauya kuzondibatsira, nokuti ndakanga ndakavharidzirwa ikoko namambo wavaPezhia.
14 现在我来,要使你明白本国之民日后必遭遇的事,因为这异象关乎后来许多的日子。”
Zvino ndauya kuzokutsanangurira zvichaitika kuvanhu vako pamazuva anouya, nokuti chiratidzo ndechenguva ichauya.”
15 他向我这样说,我就脸面朝地,哑口无声。
Achiri kutaura izvi kwandiri, ndakakotama ndakatsikitsira pasi ndikashaya chokutaura.
16 不料,有一位像人的,摸我的嘴唇,我便开口向那站在我面前的说:“我主啊,因见这异象,我大大愁苦,毫无气力。
Ipapo mumwe akanga akafanana nomunhu akabata muromo wangu, ini ndikashamisa muromo wangu ndokutanga kutaura. Ndakati kune akanga amire pamberi pangu, “Ini ndabatwa nokurwadziwa nokuda kwechiratidzo, ishe wangu, uye ndapererwa.
17 我主的仆人怎能与我主说话呢?我一见异象就浑身无力,毫无气息。”
Ndingataura sei nemi, ini muranda wenyu, ishe wangu? Simba rangu rapera uye handichakwanisi kufema.”
18 有一位形状像人的又摸我,使我有力量。
Zvakare, mumwe akanga akafanana nomunhu akandibata akandipa simba.
19 他说:“大蒙眷爱的人哪,不要惧怕,愿你平安!你总要坚强。”他一向我说话,我便觉得有力量,说:“我主请说,因你使我有力量。”
Akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.” Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.”
20 他就说:“你知道我为何来见你吗?现在我要回去与波斯的魔君争战,我去后,希腊的魔君必来。
Saka akati, “Unoziva here zvandavinga kwauri? Ndichadzokera nokukurumidza kundorwa nomuchinda wePezhia, uye kana ndaenda, muchinda weGirisi achauya;
21 但我要将那录在真确书上的事告诉你。除了你们的大君米迦勒之外,没有帮助我抵挡这两魔君的。”
asi chokutanga ndichakuudza zvakanyorwa muBhuku reZvokwadi. Hakuna anonditsigira kundorwa navo kunze kwaMikaeri, muchinda wako.

< 但以理书 10 >