< 撒迦利亞書 5 >
1 [第六個神視:飛卷]我又舉目觀看,望見有一飛卷。
Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka!
2 他問我說:「你看見了什麼﹖」我說:「我見一本飛卷,長二十肘,寬十肘。」
Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviri nokufara makubhiti gumi.”
3 他對我說:「這是向全地面散發的詛咒:凡偷竊的,必要按這卷所記載的被除掉;凡起假誓的,也要按這卷所記載火被除掉。
Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa.
4 我要發出這詛咒──萬軍上主的斷語──它必進入盜賊的家和指著我起誓的家,住在那人家中,將這家,連它的木枓和石頭一併毀滅。」[第七個神視:坐在厄法中的女人]
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’”
5 那與我談話的使者又出來對我說:「你要舉目觀看這出來的是什麼﹖」
Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.”
6 我反問他說:「那是什麼﹖」他回答說:「這出來的是『厄法』。」他又說:「這表示人在全地上的罪惡。」
Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.”
7 看,鉛蓋揭開了,在『厄法』當中坐中著一個女人。
Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo!
8 他於是說:「這是罪惡。」遂把她再裝在『厄法』的口上。
Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu.
9 我又舉目觀看,見有兩個女人出現,有風吹動她們的翅膀──她們的翅膀好像鶴鳥的翅膀──她們的將『厄法』提到天地之間。
Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika.
10 我遂對那與我談話的使者說:「她們的將『厄法』帶到哪裏去﹖」
Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesa kupiko, dengu?”
11 他回答我說:「要往史納爾地去,建造一座房屋;房屋一落成,就把它安置在那裏。」
Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.”