< 提多書 1 >
1 天主的僕人,作耶穌基督宗徒的保祿──為引天主所選的人,去信從並認識合乎虔敬的真理,
Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari,
2 這虔敬是本於永生的希望,又是那不能說謊的天主,在久遠的時代以所預前許的, (aiōnios )
patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo, (aiōnios )
3 衪到了適當的時期,就藉著宣講顯示了衪的聖道;我就是照我們救主天主的命令,受乎委托盡這宣講的職務。──
asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
4 我保祿致書給在共同信仰內作我真子的弟鐸:願恩寵與平安由天主父及我們的救主基督耶穌賜與你。
kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
5 我留你在克里特,是要你整頓那些尚未完成的事,並照我所吩咐你的,在各城設立長老:
Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini;
6 長老應是無可指摘的,只做過一個妻子的丈夫,所有的子女都是信徒,又沒有被控告為放蕩不羈的,
kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera.
7 因為做監督的,既是天主的管家,就該是可指摘的、不自負、不發怒、不嗜酒、不暴戾、不貪污;
Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa,
asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata,
9 堅持那合乎真理的真道,好能以健全的道理勸戒並駁斥抗辯的人。
anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kupwisa vakakavari.
10 實在許多倘不服從,好空談,欺騙人,尤其是那些受過割損的人;
Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
11 應杜塞這些人的口,因為他們為了可恥的利潤,竟教導那些不教導的事,破壞人的整個家庭。
vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yese, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri, nekuda kwefuma yakaipa.
12 克里特人中一個人,他們自己的一位先知曾這樣說:「克里特人常是些說謊者,是些可惡的野獸,貪口腹的懶惰漢。」
Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
13 這話說得很對。為此你們該嚴厲規勸他們,好叫他們在信德上健全無瑕;
Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo,
14 不要聽信猶太人的無稽傳說,和背棄真理之人的規定。
vasingateereri ngano dzeVaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi.
15 為潔淨人一切都是潔淨的,但為敗壞的人和無信仰的人,沒有一樣是潔淨的,就連他們的理性和良心都是污穢的。
Kune vakachena zvinhu zvese zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kufunga kwavowo nehana zvakasvibiswa.
16 這樣人自稱認識天主,但在行為上卻否認天主,他們是可憎惡的,悖逆的,在一切善事上是無用的。
Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rese rakanaka.