< 詩篇 97 >
Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.
2 雲彩和黑暗包圍在祂的四週,正義與公道支持祂的座位。
Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
7 願所有拜偶像,以邪神自誇人受辱,願所有的神祗,都俯伏在祂面前叩首。
Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!
8 上主,因您的宣判,熙雍聽見了便笑,猶大各城高興歡躍。
Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
9 上主,您在普天下是最尊貴的,您在眾神中是最崇高的。
Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.
10 上主喜愛那惱恨罪惡的人,保護虔誠人們的生命,從惡人手中拯救他們。
Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.
Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.
Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene.