< 詩篇 94 >

1 上主,您是伸冤的天主,伸冤的天主,求您顯出!
Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.
2 審判大地的天主,請您起來!給驕傲人施以應得的禍災!
Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai vanozvikudza zvakavafanira.
3 上主,惡人洋洋得意,要到何時?歹徒沾沾自喜,要到何時?
Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?
4 他們大言不慚,要到何時?作惡的人自誇,要到何時?
Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.
5 上主,他們蹂躪您的百姓,他們磨難您的子民,
Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.
6 屠殺寡婦與旅客,將孤兒置於死地,
Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera.
7 他們還說:上主看不見,雅各伯的天主決不管。
Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.”
8 民間的愚昧者!您們應該知悉,糊塗的人!您們何時才能明白?
Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?
9 裝置耳朵的,難道自己聽不著?製造眼睛的,難道自己看不到?
Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here?
10 訓戒萬民者,難道自己不懲治?教導人類者,難道自己無知識?
Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?
11 上主認透人的思念,原來都是虛幻。
Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.
12 上主那些受您教訓的人,守您法律者是有福的的人,
Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
13 您叫他在患難獲享安穩,直到給惡人們掘下了陷阱。
munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba.
14 因為上主不拒絕自己的百姓,上主不遺棄自己的人民。
Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.
15 原來公理必歸正義的人士,心地公正的人必追求公理。
Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.
16 誰肯奮起替我攻打行兇的人?誰肯站起替我抵抗作惡的人?
Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?
17 若不是上主扶助我,我的靈魂已歸冥所。
Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
18 我工在想說:我的腳步快要滑倒。上主,您就以您的仁慈來扶助我。
Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.
19 憂愁焦思雖然齊集我的心神,您的安慰卻舒暢了我的靈魂。
Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.
20 若有人冒充法律,製造苦惱,不義的法庭,豈能與您相好?
Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?
21 他們殘害義人的性命,判決無辜人的流血刑。
Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.
22 然而上主必定作堡壘,我的天主作我避難的磐石。
Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.
23 祂必以他們罪過來報復他們;必要用他們的凶惡來消滅他們,上主我們的天主必要消滅他們。
Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

< 詩篇 94 >