< 詩篇 92 >
1 安息日的詩歌。 至高者!最幸福的事情,是讚美上主,歌頌主名,
Pisarema. Rwiyo rweSabata. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,
nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
4 上主,你既以你的化工使我喜悅,我就因你雙手的一切工程歡樂。
Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
5 上主,您的工程是多麼偉大,您的計劃是多麼奧妙!
Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!
6 無理性的人,不會明白這事;愚昧的人,也不會領悟這事。
Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,
7 歹徒雖然一時茂盛有如青草,作奸犯科的人雖然一時顯耀,然而他們終終必滅亡,永遠沉消,
kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.
Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.
9 上主,請看您的仇人,您的仇人必要沉淪;作惡的人無處棲身。
Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.
10 您高舉我的角似野牛的角,用極新鮮的油膏傳抹了我,
Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.
11 因而我的眼目才輕視我的仇人,我耳朵歡樂聽見制服我的惡人。
Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.
Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;
13 他們被栽植在上主的殿中,在我們天主的庭院裏繁榮。
wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.
Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.
15 為宣揚上主是多麼正直:我的磐石祂毫沒有不義。
Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”