< 詩篇 9 >

1 【天主除暴安良】 達味詩歌,交與樂官。調寄「木特拉本」。 上主,我全心讚頌你,宣揚你的一切奇偉;
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.
2 我要因你而歡欣踴躍,歌頌你至高者的名號。
Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
3 因為我的仇敵已經退藏,在你面前已顛仆滅亡。
Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.
4 你登上寶座,秉行公義,為我審斷了是非曲直。
Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.
5 你摧毀了異民,殲滅惡徒,你把他們的名字永遠消除。
Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.
6 敵人現已覆滅,永遠沉淪,你蕩平的城邑,全不留名。
Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.
7 上主為王於永遠,安置寶座秉公審判。
Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.
8 以公義審訊世人,將以正直判決萬民。
Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.
9 上主將是受迫害者的碉堡,作他困厄中的避難所。
Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
10 凡認識你名號的人,必仰望你,上主,尋覓你的人,你必不擯棄。
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
11 你們該歌頌上主,祂住在熙雍,在萬民中宣揚祂的一切化工:
Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.
12 上主追討血債,常懷念悲苦的人民,上主絕不會忘掉他慘痛的呼聲。
Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.
13 上主,求你憐憫我,垂視我仇加於我的苦辱,拯救我脫離死亡的門戶,
Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,
14 好使我在熙雍女子門口,宣揚你的美譽,欣享你的助祐。
kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, uye ndigofara muruponeso rwenyu.
15 異民都落於自己挖掘的深坑,他們的腳都掉入自設的陷阱。
Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.
16 上主自顯於世,行了審判,惡人被自設的羅網所陷。
Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera
17 願一般忘卻天主的異族,願一般惡人都歸於陰府! (Sheol h7585)
Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. (Sheol h7585)
18 困苦的人絕不會被遺忘,窮人的依靠永不會喪亡。
Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
19 上主,起來,莫讓世人獲勝,願異民盡都在你前受審!
Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.
20 上主,懇請你恐嚇異民,使他們自知不過是人
Varovei nokutyisa, imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera

< 詩篇 9 >