< 詩篇 88 >

1 詠【哀怨歌】 科辣黑子孫的詩歌,交於樂官,悲調歌唱。 上主,我的天主,我白天禱告,我黑夜在您的面前哀號。
Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2 願我的祈禱上前達您前,求您側耳聽我的呼喊。
Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3 因我的心靈飽受災難,我的性命已臨近陰間; (Sheol h7585)
Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. (Sheol h7585)
4 我已被列在進入墳墓的人中,我已變成與無氣力的人相同。
Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
5 我的床榻舖在死人的中間,與葬於墳墓者的屍身作伴,您已不再記念他們,您已不再照顧他們。
Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6 您把我放在極深的坑間,您把我置於黑暗和深淵。
Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.
7 您的忿怒氣燄重壓著我,您的大浪巨濤苦害著我。
Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera
8 您叫我的知己離我遠去,您使我被他們痛恨厭惡;我受他們拘留不得外出。
Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;
9 我的眼睛痛苦而憔悴,上主,我天天在呼號著您,也把我的雙手向您舉起。
meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
10 難道您還要給死人發顯奇跡,或是去世的人會起來稱謝您?
Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera
11 難道在墳墓裏還有人稱述您的仁慈,或者在陰府內還有人宣揚您的信義?
Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?
12 難道在幽暗處能有人明瞭您的奇蹟?或者在遺忘區還有人曉得您的正義?
Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?
13 但是上主,我現今呼號您,我的祈禱早晨上達於您;
Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.
14 上主,您為什麼捨棄了我的靈魂?又為什麼向我掩起了您的慈容?
Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?
15 我自幼受苦,幾乎死去,受您的威嚇,萬分恐懼;
Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.
16 您的盛怒將我淹沒,您的威嚇使我死掉,
Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.
17 像水一樣常環繞著我,由四周齊來緊圍著我。
Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.
18 您使親友同伴將我離棄,黑暗成了我的家人知己。
Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

< 詩篇 88 >