< 詩篇 60 >

1 達味金詩,交與樂官。 約阿布歸來,在鹽谷殺了一萬二千人。 天主,你拋棄了我們,粉碎了我們!你曾發怒,今求你復興我們。
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu. Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!
2 你曾使大地震動,使地裂土崩,求你彌補裂縫,因它搖搖不定。
Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.
3 你使你的百姓遭受艱苦,使我們喝了麻醉的烈酒。
Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.
4 然後你為敬愛你的人,豎起旗幟,為使他們閃避仇敵的弓矢;
Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera
5 為叫你所愛的人,獲得救恩;求你以右手協助,垂允我們。
Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.
6 天主在自己的聖所說:「我要凱旋,將舍根分疆,將穌苛特的平原測量。
Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti.
7 基肋阿得地屬於我,默納協地也屬於我;我的頭盔就是厄弗辣因,猶大成為我手中的權棍;
Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu.
8 摩阿布是我的沐浴池,我向厄東投我的鞋隻,我還要戰勝培肋舍特。
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”
9 誰弔領我進入堅城,誰領導我走進厄東?
Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?
10 天主,莫非你已將我們拋棄,難道不率領我軍出擊?
Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu?
11 求你援助我們抵抗仇讎,因為人的援助盡是虛無。
Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.
12 我們倚靠天主奮勇行事,祂必要,踐踏我們的仇敵。
NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi.

< 詩篇 60 >