< 詩篇 52 >

1 達味訓誨歌,交與樂官。 作於厄東人多厄格前去報告撒烏耳,說達味到了阿希默肋客家後。 你這以作惡端為能事的人!你為什麼竟以罪為榮為幸?
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.” Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?
2 你這欺詐的人,你時時懷念邪惡,你的舌頭正如一把銳利的剃刀。
Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera.
3 你愛作惡超過行善,你愛說謊超過真言。
Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera
4 你這欺詐虛偽的舌頭,凡人的話你都羨慕。
Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera!
5 為此,天主必要消滅你,把你永遠廢去,要帳幕中拔去你,由人間將你根除。
Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera
6 義人見了必然害怕,要對他冷嘲熱笑說:
Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,
7 請看,這便是那不以天主作自己保障的人,他只依恃自己的財富,以邪惡而誇勝。
“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”
8 我卻好像天主殿中的茂盛橄欖樹,全心信賴天主的慈愛,一直到永久。
Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri.
9 上主行了此事,我要永遠稱頌你,我要在你聖徒的面前,讚揚你美善的聖名。
Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

< 詩篇 52 >