< 詩篇 48 >
1 科辣黑後裔的詩歌。 在我們天主的城池中,上主至大,應受到讚頌。
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2 祂的聖山巍峨高聳,是普世的歡喜,北方中心熙雍聖山,是大王的城邑。
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.
Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.
Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.
Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.
8 在萬軍上主的城裏,即我們天主的城堡,我們所見正如所聞:天主必使城堡永固。
Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera
Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
10 天主,你的名號遠達地極,你受的讚美亦應該如此。你的右手全充滿了正義,
Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
11 願熙雍山因你的公正而喜樂;猶大女子也要因此歡欣踴躍。
Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu.
Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,
13 觀察她的城廓,巡視她的碉堡,是為叫你們向後代子孫陳述:
fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.
14 天主的確是偉大的天主,也永遠是我們的天主,始終領導我們的天主。
Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.