< 詩篇 44 >

1 科辣黑後裔的訓誨歌,交與樂官。 天主,我們親耳聽見過,祖先也給我們述說過:昔日在他們那一時代,你手所行的偉業。
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri. Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.
2 你為栽培他們,手驅散外人,你為發展他們,曾親自磨難異民。
Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.
3 的確,他們佔領了那地,並非靠著自己的刀劍,他們獲得了勝利,並非靠著自己的臂腕;完全是賴著你的右手和你的腕能,並你儀容的光輝,因為你喜愛他們。
Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.
4 你是我的天主,我的君王,是你使雅各伯打了勝仗。
Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.
5 仰仗著你,我們克勝了我們的對頭,因你的名,我們踐踏了我們的仇讎。
Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.
6 因我從未依恃過我的弓箭,拯救我的,也不是我的刀劍,
Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;
7 而是你救我們脫離我們的對頭,是你使痛恨我們的人都蒙羞受辱。
asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.
8 我們時時以天主而自豪,永永遠遠歌頌你的名號。
Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera
9 然而現今你拋棄我們,使我們蒙羞受辱,你也不再與我們的軍隊,一同出征為伍;
Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.
10 反而使我們在敵人,前轉身敗走,讓那些恨我們的人,劫奪俘虜。
Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.
11 你使我們有如待宰的羔羊,你使我們漂流而逃亡異邦;
Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.
12 你將你的子民賤價出售,你由售價並未獲財。
Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.
13 你使我們遭受鄰邦的侮辱,四周人民對我們諷刺咒詛;
Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.
14 你使我們成了異族的話柄,外邦人都向我們搖頭熱諷。
Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.
15 我的恥辱終日擺在我的眼前,羞愧也常籠罩著我的臉面:
Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi
16 因我聽到侮慢與欺凌者的聲音,又面臨仇敵和尋隙報復的人民。
pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.
17 我們雖然從未把你忘記,從來沒有違背過你的盟約,但我們身受了這一切災禍。
Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.
18 我們的心志從來沒有萎靡退縮,我們的腳步也未偏離你的正道;
Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.
19 但你竟將我們拋棄在野犬的邊界,以死亡的陰影把我們遮蓋。
Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.
20 如果我們忘卻了我們天主的聖名,並舉起我們的手朝向外邦的神明:
Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,
21 難道天主究查不出這事?因為祂洞悉人心的隱密。
Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?
22 我們卻是為了你,時常受傷受戕,他們竟將我們視作待宰的群羊。
Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.
23 醒來!我主,你為什麼依舊沉睡?起來!你不要永遠把我們拋棄。
Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.
24 你為什麼掩起你的慈顏,不顧我們的痛苦和辛酸?
Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?
25 請看,我們的靈魂已俯伏在灰間,我們的身體已緊貼於地面。
Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.
26 求你站起來,援助我們,因你的慈愛,拯救我們。
Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

< 詩篇 44 >