< 詩篇 3 >
1 【困苦人的祈禱】 達味詩歌,作於逃避其子阿貝沙隆時。 上主,迫害我的人,不可勝數! 攻擊我的人,成群結隊!
Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!
Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera
3 但是你,上主,是圍護我的盾牌,是我的榮耀,常使我首昂頭抬。
Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera
Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.
7 上主,請你興起奮發;我的天主,求你救拔,因為你擊破了我仇敵的腮頰,你打破眾惡人的門牙。
Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.
Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera