< 詩篇 22 >

1 【西亞的苦難與效果】 達味詩歌,交與樂官,調寄「朝鹿」。 我的天主,我的天主,你為什麼捨棄了我?你又為什麼遠離我的懇求,和我的哀號。
Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
2 我的天主,我白天呼號,你不應允;我黑夜哀禱,你仍默靜。
Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
3 但是你居於聖所,作以色列的榮耀!
Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4 我們的先祖曾經依賴了你,你救起他們,因他們依賴你;
Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
5 他們呼號了你,便得到救贖,他們信賴了你,而從未蒙羞。
Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
6 至於我,成了微蟲,失掉了人形;是人類的恥辱,受百姓的欺凌。
Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7 凡看見我的人都戲笑我,他們都撇著嘴搖著頭說:
Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8 他既信賴上主,上主就應救他;上主既喜愛他,祂就該拯救他。
“Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
9 是你使我由母腹中出生,使我在母懷裏享受安寧。
Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
10 我一離開母胎,就已交托於你,尚在母懷時,你己是我的天主。
Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
11 因為大難臨頭,求你不要遠離我,求你來近,因為無人肯來夫助我。
Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
12 成群的公牛圍繞著我,巴商的雄牛包圍著我;
Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
13 都向我張開自己的嘴,活像怒孔掠食的獅子。
Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
14 我好像傾瀉的水一般,我全身骨骸都已脫散;我的心好像是蠟,在我內臟中溶化。
Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
15 我的上顎枯乾得像瓦片,我的舌頭貼在咽喉上面;你竟使我於死灰中輾轉。
Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
16 惡犬成地圍困著我,歹徒成夥地環繞著我;他們穿透了我的手腳,
Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
17 我竟能數清我的骨骼;他們卻冷眼觀望著我,
Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
18 他們瓜分了我的衣服,為我的長衣,他們拈鬮。
Vanogovana nguo dzangu pakati pavo uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
19 上主! 請不要遠離我,我的勇力,速來助我。
Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20 求你由刀劍下搶救我的靈魂,由惡犬的爪牙拯救我的生命;
Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
21 求你從獅子的血口救我脫身,由野牛角下救出我這苦命人。
Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.
22 我要向我的弟兄,宣揚你的聖名,在盛大的集會中,向你讚美歌頌:
Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.
23 你們敬愛上主的人,請讚美上主,雅各伯所有的後裔,請光榮上主,以色列的一切子孫,請敬愛上主!
Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
24 因為祂沒有輕看或蔑視卑賤人的苦痛,也沒有掩起祂自己的面孔,他一呼號上主,上主即予俯聽。
Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.
25 我在盛大的集會中要向祂頌讚,我在敬愛祂的人前正還我的誓願。
Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.
26 貧困的人必將食而飽飫,尋求上主的人必讚頌主;願他們的心靈永久生存!
Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!
27 整個大地將醒覺而歸順上主,天下萬民將在祂前屈膝叩首;
Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,
28 因為唯有上主得享王權,唯有祂將萬民宰治掌管。
nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.
29 凡安眼於黃泉的人都要朝拜祂,凡返回於灰土的人都要叩拜祂。我的靈魂存在生活只是為了祂,
Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.
30 我的後裔將要事奉上主,向未來的世界傳述我主,
Vana vake vachamushumira; zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.
31 向下代人傳揚祂的正義說:這全是上主的所作所為!
Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.

< 詩篇 22 >