< 詩篇 18 >

1 【凱旋感恩歌】 上主的僕人達味作,向上主唱了這篇詩歌: 上主,我的力量,我愛慕你。
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
2 上主,你是我的磐石、我的保障,我的避難所;你是我的天主,我一心依靠的磐石;你是我的護盾,我救恩的角,我的堡壘。
Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
3 我一呼求應受頌揚的上主,我便會從仇敵的手中得救。
Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
4 死亡的狂瀾環圍著我,凶惡的險波驚嚇著我,
Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.
5 陰府的繩韁纏繞著我,喪命的羅網拘絆著我。 (Sheol h7585)
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. (Sheol h7585)
6 我在急難難當中呼求了上主,向我的天主求助;他由殿中聽我禱告,我的聲音進入祂的耳鼓。
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.
7 因為上主憤怒填胸,大地立即戰慄震驚,山基陵根搖撼移動。
Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;
8 由祂的鼻孔湧出濃煙,由祂的口中噴出烈焰,由祂身上射出火炭。
Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.
9 祂使諸天低垂,親自降臨,在祂的腳下面密布濃雲。
Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
10 祂乘坐革魯賓飛揚;藉著風的翼羽翱翔。
Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.
11 祂四周以黑暗作帷帳,以含雨的濃雲為屏障。
Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.
12 閃電在祂前輝煌,紅炭發出了火光。
Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.
13 上主由高天發出雷鳴,至高者吼出祂的呼聲。
Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
14 祂射出羽箭,將人驅散;祂發出閃電,使人逃竄。
Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.
15 上主的呵斥一呼,鼻孔的怒氣一出,滄海的海底出現,大地的地基露綻。
Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.
16 祂由高處伸手將我拉住,祂由洪水之中將我提出;
Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.
17 救我脫離了我的敵手,擺脫了強於我的仇讎。
Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.
18 他們在我困厄之日襲擊我,然而上主卻作了我的城堡;
Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
19 祂引領我步入廣闊的平原,祂因喜愛我而給了我救援。
Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
20 上主照我的正義酬答了我,按我隻手的清白賞報了我;
Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.
21 因我遵行了上主的道路,沒有作惡背棄我的天主。
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.
22 祂的一切法令常在我的眼前,祂的任何誡命我總沒有棄損;
Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.
23 我在祂前常保持成全,我自知防範各種罪愆。
Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.
24 因此,上主我在祂眼前的正道,並我隻手的清白給了我賞報。
Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
25 仁慈的人,你待他仁慈;正直的人,你待他正直;
Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
26 純潔的人,你待他純潔;乖戾的人,你待他乖戾。
kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.
27 卑微的人,你必要救起;傲慢的人,你必要輕視。
Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.
28 上主,是你使我的燈籠放光,我主,是你把我的黑暗照亮。
Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.
29 仗著你的助祐,我衝上了戰場;靠著我的天主,我跳過了城牆。
Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
30 天主的道路是完善的;上主的言語是精鍊的;凡是投奔祂的人,祂必作他的後盾。
Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
31 除了上主以外,還有誰是天主?我們天主以外,還有誰是磐石?
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
32 是天主使我腰纏英武,使我的道路平坦無阻;
NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.
33 使我的雙腳敏捷與鹿蹄相同,使我能穩立於高山的危峰;
Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
34 是祂教導我的手上陣進攻,使我伸出臂膊開張了銅弓。
Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
35 你把救生的盾賜給了我,你的右手不斷扶持了我,使我日漸強大因你愛我。
Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.
36 你為我的腳步拓展了道路,我的雙腳總沒有顛簸躊躇。
Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.
37 我追擊我的仇敵,並且把他們捕捉,決不返回,直到將他們除盡滅絕。
Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.
38 我將他們打得一敗塗地,叫他們在我的腳下倒斃。
Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
39 你使我腰纏英武奮勇作戰,叫敵對我的人都向我就範;
Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.
40 使我的敵人在我前轉背逃竄,使我把一切仇恨我的人驅散。
Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.
41 他們吶喊,卻沒有人救援,呼號上主,也得不到矜憐。
Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
42 我粉碎他們像風吹的灰塵,我踐踏他們似道上的糞土。
Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.
43 你救我脫離了判亂的人民,又封立了我為列國的元勳,我不認識的民族,也都來給我服務。
Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.
44 外邦的子民向我諂媚奉承,一聽到是我,即刻向我服膺。
Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.
45 外方的子民驚惶失色,戰戰兢兢走出了堡壘。
Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.
46 上主萬歲! 願我的磐石備受讚頌!救我的天主備受尊崇!
Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!
47 天主,是你為我伸冤復仇,求你使萬民都向我屈服;
Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
48 是你拯救我脫離我的仇敵,從凌駕我者的拳下,把我提起,救我免於向我施暴人的手裏。
anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.
49 上主,為此,我要在異民中稱謝你,我要對你的聖名讚不已:
Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.
50 因為是你使你的君王大獲勝利,對你的受傅者:達味和他的後裔,廣施仁愛慈惠,至於無窮之世。
Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.

< 詩篇 18 >