< 詩篇 149 >
1 亞肋路亞!請您們向上主謳唱新歌,在聖者集會中向他祝賀!
Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.
2 願以色列因自己的創造者而踴躍,願熙雍子民因自己的君王而歡樂!
Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.
3 願他們以舞蹈讚美上主的名,願他們敲鼓彈琴向上主歌詠!
Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.
4 因為上主喜愛自己的百姓,賞賜謙虛的人凱旋而得勝。
Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
5 願聖徒因所受的光榮而喜慶,在自己的床榻上歡呼而歌頌。
Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.
6 願讚美天主的歌辭在他們的口中,願雙刃的寶劍掌握在他們的手中,
Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,
8 要用鎖鍊捆住他們的國君,要用銬鐐鎖住他們的縉紳,
vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
9 為向他們施行經上的審訊。這也就是一切聖徒的光榮。
kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.