< 詩篇 143 >

1 達味聖詠。上主,求你俯聽我的祈禱,因你忠誠,俯允我的哀號,我求你俯允,因你的公道!
Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.
2 千萬不要傳喚你的僕人前去受審,因為活人在你面前不能稱為義人;
Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
3 仇人迫害我,將我的生命壓倒在地,置我於黑暗之中,視我與死人無異;
Muvengi anondidzinganisa, anondirovera pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.
4 我的精神在我內萎靡不振,我的心靈在我內漸形殭硬。
Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.
5 我回憶以往的時日,默想你的各種奇事,思量你手中的作為。
Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
6 向著你我常伸開我的雙手,渴慕你我的靈魂有如乾土。(休止)
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera
7 上主,求你快來俯聽我,因我的精神萎靡坎坷;莫要對我遮掩你的慈顏,莫讓我像陷入深坑者然。
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.
8 賜我清晨得聞你的仁慈,因我完全信賴你;讓我認識我應走的道路,因我舉心嚮往你。
Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
9 求你救我擺脫我的仇敵!上主因為我時常投奔你!
Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.
10 求您教我承行您的旨意,因您是我的天主。願您的善神時常引我導我,走上平坦的樂土。
Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.
11 上主,為了您的聖名,讓我得以生存,為了您的慈愛,領我走出苦津,
Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.
12 為您恩佑,滅我仇人,剷除磨難我的諸人,因為我是您的僕人。
Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.

< 詩篇 143 >