< 詩篇 143 >
1 達味聖詠。上主,求你俯聽我的祈禱,因你忠誠,俯允我的哀號,我求你俯允,因你的公道!
Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.
2 千萬不要傳喚你的僕人前去受審,因為活人在你面前不能稱為義人;
Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
3 仇人迫害我,將我的生命壓倒在地,置我於黑暗之中,視我與死人無異;
Muvengi anondidzinganisa, anondirovera pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.
4 我的精神在我內萎靡不振,我的心靈在我內漸形殭硬。
Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.
5 我回憶以往的時日,默想你的各種奇事,思量你手中的作為。
Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
6 向著你我常伸開我的雙手,渴慕你我的靈魂有如乾土。(休止)
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera
7 上主,求你快來俯聽我,因我的精神萎靡坎坷;莫要對我遮掩你的慈顏,莫讓我像陷入深坑者然。
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.
8 賜我清晨得聞你的仁慈,因我完全信賴你;讓我認識我應走的道路,因我舉心嚮往你。
Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.
10 求您教我承行您的旨意,因您是我的天主。願您的善神時常引我導我,走上平坦的樂土。
Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.
11 上主,為了您的聖名,讓我得以生存,為了您的慈愛,領我走出苦津,
Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.
12 為您恩佑,滅我仇人,剷除磨難我的諸人,因為我是您的僕人。
Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.