< 詩篇 139 >

1 上主,您鑒察我,也認清我:
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.
2 我一舉一動,您全然認清我,您由遠處已明徹我的心思。
Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
3 我或行走或躺臥,您已先知,我的一切行動,您都熟悉。
Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.
4 我的話尚未發言,上主,您已全都知曉。
Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
5 您將我前後包圍,用您的聖手將我蔭庇。
Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
6 這是超越我理智的奇事,是我不能明白的妙理。
Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.
7 我往何處,才能脫離您的神能?我去那裏,才能逃避您的面容?
Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
8 我若上升於高天,您已在那裏,我若下降於陰府,您也在那裏。 (Sheol h7585)
Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. (Sheol h7585)
9 我若飛往日出的地方,我若住在海洋的西方,
Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,
10 您的雙手仍在那裏引導著我,您的聖手還在那裏扶持著我。
kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
11 我若說:願黑暗把我籠罩,光明變成黑暗將我圍包;
Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”
12 黑暗與黑夜對您並不矇矓,黑夜與白晝對您一樣光明。
kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.
13 您造成了我的五臟和六腑,您在我成胎之中締結了我。
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
14 上主,我讚美您,因我被造驚奇神奧;您的工作千奇萬妙!我的生命,您全知曉。
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
15 我何時在暗中構形,我何時在母胎造成,我的骨骸您全知情,
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
16 我尚在母胎,您已親眼看見,世人的歲月尚未來到以前,都已全部記錄在冊表,都已全由您預先定好。
meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
17 天主,您的策略,對我何其深奧!您策略的總數又是何其繁浩!
Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
18 我若去計數,而它們多於沙粒;設若數到底,我仍同您在一起。
Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
19 天主,恨不得您能殺掉惡人,叫流人血的兇遠離我身!
Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
20 他們無法無天地褻瀆您,他們不忠不義地攻擊您。
Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
21 上主,憎恨您的人,我怎能不痛惡?上主,背叛您的人,我怎能不厭惡?
Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?
22 我對他們深惡痛棄,視他們為我的仇敵。
Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.
23 天主,求您檢察我,洞知我的心曲;天主,求您考驗我,明悉我的思慮。
Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
24 求您察看我,我是否走入岐途,求您引導我邁向上永生的道路。
Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.

< 詩篇 139 >