< 箴言 8 >

1 智慧不是在呼喚,明智不是在發出她的呼聲嗎﹖
Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
2 她站在高崗上,站在通衢大道上,
Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3 她在城門口,在城入口處大聲喊說:
parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,
4 人呀! 我在向你們呼喚,我在對人子發出呼聲:
“Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
5 幼稚的人,你們應學習機智;愚昧的人,你們應學習聰明。
Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
6 你們且聽,因為我要講論卓絕的事,開口述說正直的事。
Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.
7 的確,我的口只暢談真理,我厭惡虛詐的唇舌。
Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.
8 凡我口述的,無不正直,毫無歪曲或乖僻。
Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.
9 我的話為明白的人是誠實的,為有智識的人是正確的。
Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.
10 你們應聽取我的教訓,而不要銀子;應汲取智識,而不取純金;
Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,
11 因為智慧勝過任何珍珠,任何可貪戀的事都不能與她倫比。
nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.
12 我──智慧──與機智同居,擁有知識和見識。
“Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.
13 敬畏上主,就是憎恨邪惡傲慢驕橫,邪惡的行徑和欺詐的口舌,我都憎惡。
Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.
14 機謀才智,屬我所有;聰明勇敢,亦屬於我。
Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.
15 藉著我,君王執政,元首秉公行義;
Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;
16 藉著我,統治者統治,王侯治理邦土。
machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.
17 我愛那愛我的人;凡尋求我的,必找著我。
Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
18 富貴榮譽,恒產正義,都屬我有。
Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.
19 我的果實,勝過黃金純金;我的出產,比淨銀還要寶貴。
Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.
20 我走在正義的路上,走在公平的路上,
Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,
21 使愛我者獲得產業,充滿他們的寶庫。
ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.
22 上主自始即拿我作他行動的起始,作他作為的開端:
“Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;
23 大地還沒有形成以前,遠自太古,從無始我已被立;
ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.
24 深淵還沒有存在,水泉還沒有湧出以前,我已受生;
Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
25 山嶽還沒有奠定,丘陵還沒有存在以前,我已受生。
makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
26 那時,上主還沒有創造大地、原野、和世上土壤的原質;
asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
27 當他建立高天時,我已在場;當他在深淵之上劃出穹蒼時,
Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,
28 當他上使穹蒼穩立,下使淵源固定時,
paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,
29 當他為滄海劃定界限,令水不要越境,給大地奠定基礎時,
paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.
30 我已在他身旁,充作技師。那時,我天天是他的喜悅,不斷在他前歡躍,
Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,
31 歡躍於塵寰之間,樂與世人共處。
ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu vose.
32 那麼,我兒,你們且聽我:遵循我道路的人是有福的。
“Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
33 你們該聽從教訓,做一智慧人,不要把她拋棄。
Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakushayira hanya.
34 凡聽從我言,天天在我門前守候,在我門框旁侍立的人,是有福的。
Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.
35 因為誰找到我,便是找到生命,他必由上主獲得恩寵。
Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
36 但是那得罪我的,等於傷害自己;凡憎恨我的,是自找死亡。
Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”

< 箴言 8 >