< 箴言 18 >
Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose.
Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.
4 哲人口中的言語有如深水,又如洶湧的溪流,生命的泉源。
Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.
Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.
6 愚人的唇舌,常引起爭端;愚人的口舌,常自招責打。
Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.
7 愚人的舌,使自己喪亡;他的嘴唇,是害己的陷阱。
Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.
8 進讒者的話,如可口美味,能深深透入肺腑的深處。
Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.
Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.
10 上主的名號,是堅固保壘;義人投入內,必得享安全。
Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.
11 富人的財產,是他的堅城;在他意想中,像座高牆垣。
Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.
Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
14 剛毅的精神,能忍受病苦;精神萎靡,有誰能支持﹖
Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?
15 明智人的心,必獲得學問;智慧人的耳,必探求知識。
Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.
Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.
Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.
Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.
19 兄弟若不和,比堅城還難攻克;他們的爭辯,有如碉堡的門閂。
Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.
20 人必以口中果實充滿肚腹,必飽嘗自己唇舌的出產。
Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.
21 死亡和生命,全在乎唇舌;放縱唇舌的,必自食其果。
Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha.
24 交朋友過多,必會有損害;但有些朋友,遠勝親兄弟。
Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.