< 箴言 14 >
1 智慧的婦女,足以興家;愚昧的婦女,親手將家拆毀。
Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.
2 履行正路的人,敬畏上主;愛走曲徑的人,輕視上主。
Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza.
3 愚昧人口中,有傲慢的根苗;智慧人的唇舌,是自己的保障。
Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira.
Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru.
Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema.
Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera.
Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.
8 明智人的智慧,在於審察自己的行徑;愚昧人的昏愚,在於自欺欺人。
Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri.
Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama.
10 心頭的愁苦,唯有自己知;心中的喜樂,他人無分享。
Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo.
11 邪僻人的家庭,必遭破壞;正直人的帳幕,卻要興隆。
Imba yeakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira.
Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.
13 連在歡笑中,心亦有感傷;歡笑的結局,往往是痛苦。
Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa.
14 變心的人,必自嘗其果;良善的人,必得其善報。
Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo.
Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake.
Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.
Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa.
18 愚昧的人,以愚昧為基業;明智的人,以知識為冠冕。
Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.
Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama.
20 貧窮的人,為親朋所厭;富貴的人,則高朋滿座。
Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji.
Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.
22 陰謀邪惡的人,豈非走入歧途﹖策劃行善的人,必獲慈惠忠誠。
Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.
Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.
24 智慧人的冠冕,是他們的機智;愚昧人的冠冕,是他們的糊塗。
Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.
25 忠實的見證,救人性命;作假證的人,危害他人。
Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.
26 敬畏上主,是穩固的靠山;為他的子孫,也是個避難所。
Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake.
27 敬畏上主,是生命的泉源,使人脫免死亡的羅網。
Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.
28 人民眾多,是君王的光榮;庶民缺少,是王侯的沒落。
Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa.
29 緩於發怒的人,必甚有見識;脾氣暴躁的人,必大顯愚昧。
Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.
30 心平氣和,使身體康健;心懷嫉忌,使骨骸腐蝕。
Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa.
31 欺壓窮人的,就是凌辱他的造主;憐恤苦人的,就是尊敬他的造主。
Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari.
32 惡人因自己的邪惡,必被毀滅;義人因自己的正義,有所憑藉。
Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro.
Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.
Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo.
35 明哲的臣僕,蒙受君王的寵幸;無用的臣僕,必遭君王的盛怒。
Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.