< 箴言 12 >
1 喜愛受教的人,必喜愛智慧;憎恨規勸的人,真是糊塗。
Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.
2 善心的人,必得上主喜悅;心術邪惡的人,必受降罰。
Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.
Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.
4 賢能的妻子,是她丈夫的冠冕;無恥的妻子,宛如丈夫骨中的腐蝕。
Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.
Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.
6 惡人的言談,是流血的陷阱;義人的口舌,設法搭救他人。
Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.
7 惡人一旦傾覆,便不復存在;義人的家室,卻得以久存。
Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.
8 人憑自己的識見,獲得讚美;但心地邪僻的人,必受輕視。
Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.
9 一個自給自足的平民,比愛排場而缺食的人,更為可貴。
Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.
Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.
11 自耕其地的人,必得飽食;追求虛幻的人,實屬愚昧。
Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.
12 邪惡的想望,是惡人的羅網;義人的根基,卻永不動搖。
Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.
Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.
14 人必飽嘗自己口舌的果實,必按自己的行為獲得報應。
Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.
15 愚昧的人,常以為自己的道路正直;但明智的人,卻常聽從勸告。
Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.
16 愚昧的人,立時顯出自己的憤怒;機智的人,卻忍辱而不外露。
Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.
17 吐露真情,是彰顯正義;作假見證,是自欺欺人。
Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.
18 出言不慎,有如利刃傷人;智者的口,卻常療愈他人。
Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.
19 講實話的唇舌,永垂不朽;說謊話的舌頭,瞬息即逝。
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.
20 圖謀惡事的,心懷欺詐;策劃和平的,必得喜樂。
Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.
Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.
22 欺詐的唇舌,為上主所深惡;行事誠實的,纔為他所中悅。
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.
23 機智的人,使自己的才學深藏不露;心中愚昧的人,只會彰顯自己的愚蠢。
Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.
Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.
Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.
26 義人給自己的友伴指示道路,惡人的行動卻引人誤入歧途。
Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.
Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.
Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.